Accessibility links

Breaking News

Zvitoro Zvovharwa muChinhoyi neDzimwe Nzvimbo Apo Hupfumi Hwonanga kuMawere


Zvimwe zvitoro zvanga zvakavhara nemusi weMuvhuro muChinhoyi, mashonalamnd west unyange hazvo vamwe vagari vakawanda vanga vachihodha zvinhu zvavanoshandisa mazuva ose zvakaita seshuga, mafuta ekubikisa, sipo yekugezesa neyekuwachisa.

Zvitoro zvanga zvakavhara zvinosanganisira zvitoro zvikuru zveMetro Peach, Farm Shop, Exide Batteries neGain pamwe nezvimwe zvitoro zvinotengesa mishonga. Zvitoro zvanga zvakavhura zvanga zvichitengesa zvinhu nemari iri pamusoro zvakanyanya.

VaFungai Muzeza vanogara mumusha unogara veruzhinji weChikonohono vanoti vemuzvitoro vave kumbomira kutengesa sezvo mitengo iri kuramba ichikwira zuva rega rega izvo zvinoita kuti mari yavanenge vatengesa ishaye basa.

VaMuzeza vanoti vemuzvitoro vave kuchinja mitengo pazuva. Vanotiwo hurumende inofanirwa kubvisa mari yebhondi kuti mitengo igadzikane.

Izvi zvinotsigirwa naVaLeonard Mhango avo vanoti vari kuvhara zvitoro vari kuda kukwidza mitengo.

VaMhango vanoti vemuzvitoro vari kubirira vanhu nekukwidza mitengo zvakanyanya.

VaLucky Munangatire vanoti vari kuvhara zvitoro vari kuzvipa mukana wekukwidza mitengo uye vari kuhodha havana chivimbo chekuti zvinhu zvichawanikwa muzvitoro munguva pfupi iri kutevera here.

Zvimwe zvitoro zvinotengesa mishonga zvanga zvakavharwawo munzvimbo dzakaita seChegutu, Banket neMasvingo.

Mumwe mugari wekuMasvingo uye vari sachigaro weProgressive Teachers Union of Zimbabwe, PTUZ, Doctor Takavafira Zhou avo vatadza kutengera Amai vavo mushonga vanoti chitoro chinotengesa mishonga chavharwa vachiti havachatambire mari yemabhondi.

Zvimwe zvitoro zvinotengesa zvinhu zvekuvakisa zvakaita sesimende zvave kuda kubhadharwa nemari yekuAmerica kuchengetedza kukosha kwemari yavo.

Mafuta ekubikisa ayo anoita madhora matatu nemashereni manomwe anga ave kutengeswa nemadhora masere.

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG