Accessibility links

Breaking News

Zvirango Zviri Kukonzera Matambudziko Here? Nyanzvi Dzozeya


VaMnangagwa naVaChiwenga
VaMnangagwa naVaChiwenga

Nyaya yekuti zvirango zvakatemerwa vamwe vakuru vehurumende zviri kukonzera matambudziko apo kunyika yakonzera kukandirana kwemakobvu nematate munyika nekunze.

Vachitaura nevatori venhau mwedzi wapera, gurukota rezvekuburitswa kwemashoko Amai Monica Mutsvangwa vakati zvirango izvi zvapa kuti Zimbabwe irasikirwe nemari inodarika mabhiriyoni makumi mana nemaviri.

Asi vachitaurawo neStudio 7 mumiriri weAmerica muZimbabwe VaBrian Nicols varamba mashoko ekuti zvirango zvakanganisa Zimbabwe.

Mashoko aya atsinhirwawo nevaive mumiriri weAmerica muZimbabwe VaHarry Thomas vanoti Zimbabwe haisi kukwereteswa mari nekuti iri kukundikana kubhadhara zvikwereti. VaThomas vanoti Zimbabwe yainge yatomira kupihwa zvikwereti neIMF muna 1999 nekusabhadahra zvikwereti uye zvirango zvakatozouya muna 2001 kune vamwe vakuru muhurumende. VaThomas vati Zimbabwe inofanira kuzvipira kuti igadzirise hupfumi hwayo.

ZIDERA inopa America simba rekumisa kuti Zimbabwe ipihwe mari neIMF, World Bank, Africa Development Bank, asi VaThomas vanoti America haina kana kumbobvira yashandisa simba iri nekuti Zimbabwe haibhadhare zvikwereti nekudaro inobatwa seyakageza negoka munyama.

Asi vamwe vakuru muhurumende vanoti kubhadhariswa mari inosvika mamiriyoni gumi masere kwakaitwa bhanga reStandard Chartered nekutyora zvirango zvakatemerwa vamwe vakuru vehurumende muZimbabwe neAmerica neBritain mucherechedzo wekuti vakatemera zvirango vari kuvhiringidza hupfumi hwenyika. Izvi zvakaitika kubva muna 2009 kusvika 2013.

Mumiriri weEU muZimbabwe VaTimo Olkkonen vanotiwo EU ine vanhu vatanhatu chete vari pazvirango nemakambani mashoma uye kuondomoka kweZimbabwe hakunei nezvirango zveEuropean Union. Vanotiwo EU iri kutenga zvirimwa zvakawanda kubva kuZimbabwe.

Nhengo yeZanu-PF vari muzvinabhizimisi VaGilbert Muponda vanoti zvirango mutoro mukuru kunyika.

Asi mumwe mutevedzeri wemutungamiri webato reMDC vaimbova gurukota rezvemari vanoti Zanu-PF iri kuda kuhwanda nemunwe.

Mumwe wevakatemerwa zvirango izvi, VaBright Matonga avo vaimbove mutevedzeri wegurukota rezvekuburitswa kwemashoko, vanoti zvirango izvi zvakavabaya panyama nhete. VaMatonga vanoti vari kutadza kuita zvinhu zvakawanda kubudikidza nekutemerwa kwavakaitwa zvirango uku muna 2005 nesangano reEuropean Union.

Sezvinotaurwa nevakawanda vari mubato reZanu PF, VaMatonga vanoti zvirango izvi zvakonzera kuti hupfumi hwenyika huwire pasi zvikurusei munyaya dzekuti nyika iwane mari yekunze inodiwa kushandiswa mumapandiko akawanda ezvehupfumi.

VaMatonga vanoti kuwira pasi kuri kuramba kuchiita hupfumi hwenyika pamwe nekushayikwa kwemari yekunze munyika mucherechedzo wekuti zvirango zvakatemerwa VaMnangagwa nevamwe vavo vari muZanu PF zvakonzera kusamira zvakanaka kwezvinhu munyika. Kunyange hazvo nyika dzekumavirira dzichiti zvirango izvi zvine vanhu vazvakangana navo, VaMatonga vanoti zvirango izvi zvakanangana nezvizvarwa zvese zveZimbabwe.

Asi rimwe gweta remuHarare, VaKudzayi Kadzere vanoti Zimbabwe iri kutadza kusimudzira hupfumi nekuda kwekutadza kwayo kubhadhara zvikwereti zvayo kunze kwenyika kwete kuti zvirango ndizvo zviri kukanganisa hupfumi hwenyika.

Mutauriri wemutungamiri weMDC VaNelson Chamisa, Doctor Nkululeko Sibanda vanoti hutongi hweudzvanyariri nekusafambisa sarudzo zvakanaka kwehurumende yaVaEmmerson Mnangagwa ndiko kuri kukonzera kuti zvirango izvi zvirambe zviripo.

Mumwe murwiri wekodzero dzevanhu uye vachishanda nesangano rePlatform for Youth Development, VaClaris Madhuku, vanotiwo nyaya yezvirango iri kukonzera kuti Zanu PF iwane zvekutaura isingagadzirise nyaya chaidzo dziri kuita kuti zvinhu zvisamire zvakanaka munyaya dzehupfumi pamwe nehutongi nehutongi hwejekerere. VaMadhuku vati nyaya yehuori ndiro gonzo rapinda mudura.

Kuchemachema kuri kuita Zanu PF nenyaya dzezirango kwakakonzera kuti VaMnangagwa vasvitse nyaya iyi kumubatanidzwa wenyika dziri kuchamhembe kweAfrica, muSADC, idzo dzakatora danho rekutsigira Zimbabwe mukukurudzira kuti zvirango izvi zvibviswe.

Kutaura kudai pane kuratidzira kwakarongwa kuitwa nemusi weChishanu kwakananga nekukurudzira kuti zvirango izvi zvibviswe.

Nyaya Ina Thomas Chiripasi
please wait

No media source currently available

0:00 0:07:12 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda


Facebook Forum

XS
SM
MD
LG