Accessibility links

Breaking News

Zvikoro Zvoda Kukwidza Mari Dzinobhadharwa neVabereki


Bazi rezvedzidzo rinoti pane zvikoro zvakawanda zvehurumende nezvimwe zvakazvimirira zvoga zvaisa zvikumbiro zvekuti zvikwidze mari dzinobhadharwa nevana muzvikoro kutanga gore rinouya.

Zvikoro zvizhinji zvehurumende zviri kuda kuwedzera mari dzedzidzo nemitero nemadhora ari pakati pemakumi matatu nemakumi mashanu pamari iri kubvisa kare.

Gurukota rezvedzidzo, Va David Coltart, vanoti bazi ravo riri kutarisisa nyaya idzi.

Vatiwo panyaya yemari yechikoro, vanotarisira kuti zvikoro zvitange zvawirirana nevabereki vasati vakwidza zvikumbiro zvavo kubazi ravo.

Vakafanobata chinzvimbo chemunyori webazi redzidzo, Amai Elizabeth Marunda, vanoti bazi ravo richiri kuongorora kuti zvikumbiro izvi zvotambirwa here kana kuti kwete.

Bazi redzidzo riri kutizve zvikoro hazvifaniri kuti vana vari kutsvaga nzvimbo dze form one vabhadhriswe mari yakawanda yekunyora bvunzo yekutsvaga nzvimbo nekuti vari kubira vabereki.

Pfungwa yekuda kukwidza mari idzi inonzi iri kutsamwisa vabereki vazhinji. Mumwe mubereki ava muHarare, Va Friday Tendai, vanoti havasi kufara nenyaya yekukwidzwa kwemari idzi nokuti vanhu havasi kutambiriswa mari dzakawanda.

XS
SM
MD
LG