Accessibility links

Breaking News

Zimsec Inoti Vanyora Bvunzo neChipiri Vanorika Zvikamu Makumi Mapfumbamwe Kubva Muzana


Vanhu vanodarika zvikamu makumi mapfumbamwe kubva muzana vanonzi vakwanisa kunyora bvunzo dzavo munyika yose munzvimbo dzakasiyana siyana, sengano reZimbabwe School Examination Council, Zimsec, razivisa.

Mumwe wevanhu ava vakwanisa kunyora bvunzo dzavo, Muzvare Hazvinei Mukarati, avo vanyorera bvunzo pachikoro cheMhanyame muChinhoyi, vati vaona zvakakodzera kuti vanyore bvunzo dzavo nokuti vanga vakadzigadzirira, nekudaro havadi kupedza nguva nekuzonyoresa zvakare vachiti mari iri kunetsa kuwana munyika.

Mumwe anyorera panzvimbo inochengeterwa vasungwa muChinhoyi, VaMisheck Basera, vati kunyange hazvo vakwanisa kunyora, gadziriro yavo yekunyora bvunzo yakakanganiswa zvikuru nekuda kwekuvharwa kwenyika nepamusana pechirwere cheCovid-19.

VaBasera vati vainge vasingaungane vachiti zvakaita kuti vasasangane nevamwe vavo kuti vaverenge nekubatsirana pazvidzidzo zvinenge zvakaoma.

Ongororo yaitwa neStudio7 pachikoro cheMhanyame inoratidza kuti pavana makumi mashanu nevanomwe vanga vachifanirwa kunyora bvunzo nhasi vatanhatu chetendivo vatadza kuuya kuzonyora.

Pachikoro ichi vanga vachinyora bvunzo vanga vachipihwa maface masks, kugeza maoko, kuonekwa kuti muviri uri kupisa zvakadii pamwe nekunyika bhutsu mumvura ine mushonga wekuuraya hutachiwona hwecoronavirus vasati vapinda manga muchinyorerwa bvunzo.

Asi mutungamiri wesangano revadzidzisi vekumaruwa reAmalgamated Rural Teachers Union of Zimbabwe, VaObert Masaraure, vati muzvikoro zvakawanda zvekumaruwa mudunhu reMashonaland East kwanga kusina zvikwanisiro zvakakwana zvekudzivirira kupararira kwechirwere cheCovid-19.

VaMasaraure vati havana kufarawo nekuti vanga vachinyoresa bvunzo pamwe nevana vanga vachinyora kumaruwa vanga vaine zvikwanisiro zvavakazvitsvagira vega.

Mutungmiri weZimbabwe Teachers Association, VaSifiso Ndlovu vati panga paine mutsauko wakakura zvikuru pakati pezvikoro zvemumadhorobha nezvekumamisha vachiti zvikoro zvemumaguta zvanga zviine zvikwanisiro asi zvekumamisha zvakawanda zvisina.

VaNdlovu vati vana vakawanda vabuda kunonyora bvunzo dzavo danho ravati rinokudzwa zvikuru munguva yechirwere cheCovid-19.

Asi mutauriri webazi rinonyoresa bvunzo dzemuzvikoro munyika reZimbabwe School Examination Council, Muzvare Nicholette Dlamini, vati vafara nehuwandu hwevanhu vanyora bvunzo nhasi vachiti vanosvika zvikamu zvinodarika makumi mapfumbamwe kubva muzana.

Muzvare Dhlamini vati bazi ravo raita zvose zvinodikanwa nevezvehutano munzvimbo dzanga dzichinyorerwa bvunzo munyika yose.

Dare repamusoro rakanga ratura mutongo wekuti hurumende itange yapa zvikoro zvikwanisiro isati yati bvunzo dzinyorwe kuitira kuti pasave nekutapuriranwa kwechirwere cheCovid-19.

please wait
Embed

No media source currently available

0:00 0:04:41 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda


Facebook Forum

XS
SM
MD
LG