Accessibility links

Breaking News

Paramende Yokurudzira ZIMSEC Kushanda neZvikoro zvePamusorosoro


Zimsec
Zimsec
Nhengo dzeparamende dziri kukurudzira bazi rinoona nezvebvunzo yepasi reZimbabwe Examinations Council, ZIMSEC, kuti rishande nezvikoro zvedzidzo yepamusoro zvakaita seUniversity of Zimbabwe mukuronga bvunzo dzaro kuti dzive nechiremerera.

Vachikwidza nyaya yebvunzo idzi mudare reNational Assembly, mumiriri weMatobo North mudare iri, VaNever Khanye, vati kana ZIMSEC ikaita izvi zvinoreva kuti bvunzo dzayo dzinenge dzave kuongororrwa zvakadzama nenyanzvi kubva muzvikoro izvi. Vatiwo dzinenge dzave nechiremerera zvekuti dzinenge dzave kuremekedzwa pasi rose.

Vatiwo zvitupa zvedzidzo zvinopiwa neZIMSEC pazvidzo zveOrdinary neAdvanced Level zvinenge zvave kuiswa zvidhindo zvezvikoro zvepamusoro soro sezvaitwa pazvitupa izvi kare apo bvunzo dzairongwa neveCambridge Local Examinations Syndicate kuBritain.

Bvunzo dzesokondari dzakatangwa kurongwa munyika muna 1994 apo pakaumbwa bazi reZIMSEC. Kubvira ipapo maticha mazhinji ari kusungwa nekudzingwa basa mushure mekuburitsa mapepa ebvunzo musi wadzo usati wasvika.

Nhengo dzeparamende dzinoti kana ZIMSEC ikashanda nezvikororo zvepamusoro soro zvinogona kuderedza kana kupedza dambudziko iri.

Kunyange hazvo vatsigira nyaya iyi, mumiriri weBikita West, VaMunyaradzi Kereke, vati kubiwa kana kuburitswa kwemapepa ebvunzo hakunei nekuti ZIMSEC iri kushanda nezvikoro zvepamusoro here kana kuti kwete asi kuti kuno konzerwa nekuti kudhindwa kwemapepa aya nemafambisirwo awo hakusi kuitwa nemazvo.

Vanoti hurumende inofanira kupa ZIMSEC mari yakawanda kuti ikwanise kuronga bvunzo nemazvo.

Vaenderera mberi vachiti hurumende inofanirawo kutsvaga mari yakawanda yekusimudzira dzidzo munyika.

Mumiriri weHurungwe West, uye vari zvakare sachigaro vekomiti yeparamende inoona nezvedzidzo, VaThemba Mliswa, vatsigirawo nyaya iyi vakati bazi rezvedzidzo rinofanira kuongorora zvakadzama mafambisirwo ebvunzo neZIMSEC.

Vati kubiwa nekuburitswa kunoitwa mapepa ebvunzo nguva isati yakwana kunokonzerwa nekuti mapepa anodhindwa pese pese nevanhu vakasiyana siyana.

VaMliswa vati panofanirwa kuvakwa muzinda unodhinda mapepa aya uye unofanira kuchengetedzwa zvakasimba kuitira kuti pasawane vanoba kana kuburitsa mapepa aya bvunzo dzisati dzasvika.

Vanotiwo muzinda uyu unogonawo kushandiswa nedzimwe nyika dzemudunhu rekuchamhembe kweAfrica izvo zvinozounzawo mari munyika.

Kuburitswa kana kubiwa kwemapepa ebvunzo kwaive kushoma chose apo dzairongwa neveCambridge vekuBritain uye dambudziko iri rakazokura kutanga muna 1994 apo bvunzo dzakatanga kurongwa neZIMSEC.

Vaimbove gurukota rezvedzidzo, VaEdmund Garwe, vakasiya basa nekunyara kukuru mushure mekunge mwana wavo awanikwa aine magwaro ebvunzo zuva rebvunzo risati rasvika.

Zvikoro zvakawanda zvikuru sei zvinoshanda zvakazvimirira zvave kunyoresa vana bvunzo dzeCambridge sezvo zvisiri kufara nemafambisirwo anoitwa bvunzo neZIMSEC.

Hatina kukwanisa kutaura neveZIMSEC kuti tinzwe divi ravo panyaya iyi
XS
SM
MD
LG