Accessibility links

Breaking News

IMF Yopinda muZimbabwe Kuzoongorora Mamiriro eHupfumi


Chikwata cheInternational Monetary Fund, IMF, chiri kupinda munyika neChitatu kuti chizoongorore kuti Zimbabwe iri kukwanisa here kutevedzera chibvumirano chayakanyorerana nayo pasi cheStaff Monitored Program.

Chibvumirano ichi chakanyoreranwa munguva yehurumende yemubatanidzwa uye chakanangana nekuyedza kumutsiridza hupfumi hwenyika.

Chibvumirano ichi chakatanga kushanda muna Kubvumbi, uye chiri kupera muna Zvita gore rino.

Vachitaura nebepanhu reHerald, gurukota rezvemari, VaPatrick Chinamasa, vanoti chikwata ichi chichange chiri munyika kusvika musi wa 19 Mbudzi.

IMF haisi kubatsira Zimbabwe nemari nekuda kwechikwereti chayo chakakurisa chinopfuura mabhiriyoni gumi ku IMF, World Bank, pamwe ne African Development Bank.

Chiri kupihwa Zimbabwe pari zvino neIMF serubatsiro, ipfungwa dzekugadzirisa hupfumi chete.

Pasi pechirongwa cheStaff Monitored Program ichi, Zimbabwe inotarisirwa kudzika mitemo inoita kuti kutengeswa kwemangoda kubude pachena.

Hurumende inokurudzirwawo kutora zvikwereti zve Reserve Bank of Zimbabwe, kugadzirisa zvinhu mumabhanga uye kunyatsojekesa mutemo wekuendesa hupfumi kuvatema.

IMF inodawo kuti Zimbabwe isapedze mari yakawandisa yebhajeti ichiendesa kumihoro yevashandi vehurumende.

Asi nyanzvi munyaya dzezvehupfumi dzinoti Zimbabwe iri kukundikana kuzadzikisa zviga zveStaff Monitored Program.

Asi VaChinamasa vanoti Zimbabwe iri mugwara uye iri kuda kukumbira zvakare kuti ipihwe mari yechikwereti zvinova zviri kurambwa neIMF ichiti Zimbabwe ngaitange yapedza kubhadhara zvimwe zvikwereti zvayo.

Nyanzvi munyaya dzezvehupfumi, VaJohn Robertson, vanoti IMF haina kunyatsojekesa zvairi kuda kuti Zimbabwe iite pasi pechirongwa ichi.

Asi imwe nyanzvi munyaya dzezvehupfumi vachishanda nesangano reLabour and Economic Development Research Institute of Zimbabwe, VaProsper Chitambara, vanoti zvakajeka asi Zimbabwe iri kukundikana hayo kuzvitevedzera.

please wait

No media source currently available

0:00 0:02:41 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda
XS
SM
MD
LG