Accessibility links

Breaking News

Nhengo dzeTajamuka Dzoratidzira neChishanu


Members of Tajamuka-Sesijikile Campaign are calling for a nationwide stay away on Wednesday to press Mr. Mugabe to step down.
Members of Tajamuka-Sesijikile Campaign are calling for a nationwide stay away on Wednesday to press Mr. Mugabe to step down.

Chikwata cheTajamuka chinoti chichange chichiratidzira mangwana (Chishanu) muguta reHarare vachitsutsumwa nekwavanoti kubatwa neseri kwemaoko kuri kuitwa vanotengesera mumigwagwa nekanzuru yeHarare nehurumende.

NeChipiri dare repamusoro rakapa mutongo wekuti vatengesi vemumigwagwa vambomira kubviswa kusvika matare apedza nyaya iyi.

Dzimwe nhengo dzeTajamuka dzinoti sezvo hurumende pamwe nekanzuru yeHarare vasiri kucherechedza mitongo yematare, vachienderera mberi nekubvisa vatengesi mumigwagwa, vaona zvakakodzera kuti varatidzire kunyunyuta kwavo pane zviri kuitika.

Imwe nhengo yeTajamuka ichange ichitungamirira kuratidzira kwamangwana uku, Muzvare Coezett Chirinda, vanoti nekuda kwekuti nhengo dzavo zhinji dziri kurarama nekutengesa, vanorwadziwa kuti hurumende nekanzuru iri kushungurudza vanhu vari kutsvaka raramo.

Muzvare Chirinda vati zvinoshamisa kuti kanzuru inoti vatengesi vemumigwagwa ndivo vari kukonzera zvirwere zvemidumbu asi dzimwe dzenzvimbo dzakatarwa nekanzuru kuti vekumigwagwa vatengesere, dzisina zvimbuzi .

Imwezve nhengo yeTajamuka uye vari munyori wevechidiki muHarare kubato reMDC, VaDenford Ngadziore,vaudza Studio 7 kuti vari kuzoratidzira vasina mvumo nekuti pese pavanozivisa mapurisa vanorambidzwa kuratidzira.

VaNgadziore vati hurumende kanakanzuru haifi yakabudirira kubvisa vatengesi mumigwagwa. VaNgadziore vati zano ravari kutopa seTajamuka nderekuti vatengesi vemumigwagwa vadzidziswe kuchenesa pavanotengesera.

Pamusangano wavakaita nevatori venhau neChitatu muHarare, meya weguta reHarare, VaBernard Manyenyeni, vakati vachiri kuongorora mutongo wakabva kudare wekumisa kudzingwa kwevatengesi.

Vakatiwo kanzuru iri pakati penyanga dzamushore sezvo vachinyatsoziva kuti kushaikwa kwemabasa ndiko kuri kupinza vatengesi mumigwagwa. Asi vakati vane chido chekuchenesa guta.

please wait

No media source currently available

0:00 0:03:47 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

XS
SM
MD
LG