Accessibility links

Breaking News

VaKasukuwere Voshanyira Mbare Zvichitevera Mafashamu eMvura


Gurukota rinoona nezvemadhorobha nematunhu, VaSaviour Kasukuwere, vanoti hurumende haisi kuzopa muripo kune vanhu vane dzimba dzakaparadzwa mIdziyo nemafashamu muHarare kana dzimba idzi dzakavakwa munzvimbo dzisingabvumidzwe.

VaKasukuwere vataura mashoko aya kuvagari vemuMbare mushure mekushanyira musha uyu nemimwe muHarare vachiona dambudziko riri kukonzerwa nekunaya kwemvura yakawanda pamwe nekusatakurwa kwemarara.

VaKasukuwere vati vanhu vakapa vanhu mvumo yekuvaka pese pese ndivo vanofanira kuripa vanhu vane dzimba dzakaparadzwa nemafashamu sezvo dzimba dzange dzakavakirwa pasingabvumidzwe.

Asi vati bazi ravo kuburikidza nebandiko reCivil Protection Unit riri kubatsira vese vari kuwirwa nedambudziko remashafamu mumatunhu ese munyika.

MuHarare chete mune mhuri dzinodarika makumi matanhatu dzakaputsirwa dzimba nekurasiklirwa nemidziyo zvichitevera mafashamu ari kukonzerwa nemvura iri kunaya zvakanyanya munyika yose.

VaKasukuwere, avo vange vaine gurukota rezvehutano, VaDavid Parirenyatwa, vashora kanzuru yeHarare nekusaita basa nemazvo zvikurusei mumisha yakaita seMbare vachiti marara haasi kutakurwa uye kanzuru iyi haina hany’a.

Vagari vaudza VaKasukuwere kuti vari kubhadhariswa mari nemakoronyera uye marara haasi kutakurwa vachiti izvi ndizvo zviri kukonzera zvirwere.

Mumwe mugari ati anonzi Shumba anotsangura kuti mumusika wevarimi marara haasi kutakurwa.

VaKasukuwere vavimbisa kugadzirisa dambudziko iri nekukasika.

Vakasanobata chinzvimbo chemunyori wekanzuru yeHarare, Amai Josephine Ncube, vabvuma kuti zvinhu hazvina kumira zvakanaka mumisha yakaita seMbare vachiti vane hurongwa hwekusimudzira musika weMbare.

Asi vatiwo vagari vanofanira kubhadhara mitero.

Vati gore rino chete vachashandisa mamiriyoni gumi emdhoara ekugadzirisa musika weMbare.

Zvichakadai VaParirenyatwa vati damubidzo reTyphoid harigone kupera kana nyaya dzemara nesiweji dzisina kugadziriswa.

Pane vanhu gumi vakatofa neTyphoid munyika yose uye vaviri vacho vange vari vekuMbare.

please wait
Embed

No media source currently available

0:00 0:02:27 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

XS
SM
MD
LG