Accessibility links

Breaking News

Econet Inoti Iri Kuomeserwa muZimbabwe


Kambani yembozhanhare yeEconet Wireless Zimbabwe yatsutsumwa kudare reparamende kuti maitirwo ebhizimisi mumaindasitiri embozhanhare haana kunaka uye kambani iyi inobatwa zvakasiyana nemamwe makambani izvo zvinokanganisa pamwe nekusvibisa chimiro chayo pamberi peveruzhinji.

Mukuru wekambani iyi, VaDouglas Mboweni, vaudza komiti yeparamende inoona nezvekufambiswa kwemashoko pachishandiswa michina kuti mabatirwo ari kuitwa kambani yavo haana kunaka zvachose uye izvi zvave nenguva zvichiitika.

VaMboweni, avo vange vachitaura kunhengo dzekomiti iyi mushure mekukokwa kuti vazotaura kuti zvakafamba sei mushure mezhowe zhowe yakamuka masvondo maviri apfuura mushure mekukwidzwa kwakaita kambani iyi mutengo wedhata, vati vePotraz ndivo vainge vati mutengo uyu ukwidze mumakambani ese asi vakazoshamisika kuti mamwe makambani haana kukwidza mutengo.

Vati izvi zvakaita sekunge Econet yaiita zvemusoro wayo uyewo vanhu vakapopota zvakanyanya izvo zvakakanganisa chimiro chekambani iyi sezvo yakaita sekunge yainge isina zvido zveveruzhinji.

Vati mushure mekuona kuti mamwe makambani akaita seTelecel neNetone ainge asina kukwidza mutengo, kambani ini yakazoderedza mutengo uyewo ikanyorera kuPotraz ichida kunzwa kuti sei mamwe makambani akange asina kukwidza mutengo sekuwirirana kwavainge vaita.

VaMboweni vati zvichitevera kuderedza mutengo kwavakaita, vakazoshamisika gurukota rezvehumhizha mukufambiswa kwemashoko, VaSupa Mandiwanzira, vachideredza mutengo kunyange hazvo vaive vambovimbisa kuti vaizogadzirisa nyaya iyi pavanodzoka kuzororo pakupera kwemwedzi uno.

Vati kuita kwakadai hakuna kunaka uye hakasi kekutanga kambani yavo ichibatwa neseri kweruoko vakati semuenzaniso vakabhadhariswa mari yose yerezenisi yavo $137.5 million kamwe chete kunyange hazvo mamwe makambani akapihwa mukana wekubhadhara mari iyi muzvidimbu zvidimbu.

VaMboweni vati Econet yagara ichitevedza mutemo uye kunyange isangafare nematanho anenge atorwa nePotraz, kana nehurumende, inotanga yaita zvinodiwa yozogunun’una pave paye.

Zvichakadai, mukuru weTelecel, Amai Angeline Vere, vatiwo kambani yavo yakatevedza zvaidiwa nePotraz asi vati kambani yavo sezvo iri iyo diki yagara yange iine mitengo iri pasi peyeEconet neNetone.

Vati mushure mekukwidza mutengo vanoshandisawo kambani yavo vakachema chema sezvo vainge vaderedza nguva nehuwandu hwedhata ravainge vave kushandisa.

Vati ivo sekambani diki vanoda kuti mitengo yavo igare iri pasi kuti vakwanise kutora vanhu kubva kune makambani makuru.

VaMandiwanzira pamwe nePotraz vange vachifanirwa kupawo humbowo hwavo kuparamende nhasi asi izvi zvatadza kuitika sezvo vakumbira nguva yekuti vagadzirire vachiti pane zvavabata nhasi.

VeEconet avo vanogaroderedza mutengo wekushandisa nhare, nemitengo yedhata iyo inoita kuti vanhu vashandise madandemutande eWhatsApp, Facebook nemamwe, vati vakamiswa kuita izvi muna Chikunguru gore rapfuura mushure mekunge veruzhinji varatidza chido chekuenda pandendemutande panguva yekuratidzira kwaitwa munyika nanaPastor Evan Mawarire veThis Flag Campaign.

Vati vePotraz vakaona sekuti kuwedzera mutengo wedhata zvaigona kuderedza kushandiswa kwematandemutande akaita seWhatsApp, Twitter, Facebook nemamwe.

Nanhasi vePotraz havasi kubvumidza makambani aya kuderedza mitengo zvakanyanya kana kuita anonzi maPromotions pachirungu.

Econet inoti yakazvipira kuderedza mitengo zvakanyanya uye iri kushamisika kuti sei Potraz isati yavapa hwaro hwekuita izvi sezvo yakavambisa kuti hwaro uhwu hwaifanira kunge hwavapo muma Nyamavhuvhu gore rapfuura.

please wait
Embed

No media source currently available

0:00 0:04:01 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG