Accessibility links

Breaking News

Vakaremara Vanodawo Kutanga Kupihwa Nhomba yeCovid-19


Zimbabwe VP at Wilkins Hospital Preparing for Covid 19 Vaccine

Vakaremara vari kukurudzira hurumende kuti itore matanho ekuti vave vamwe vevanhu vekutanga kubayiwa nhomba yekuzvidzivirira chirwere che COVID-19.

Nyanzvi munyaya dzehupfumi, VaMasimba Kuchera, avo vasingaone, vanoti vakaremara vanofanira kuvewo mberi pachirongwa chekubayiwa nhomba yeCOVID-19.

Ndiri kuona sekuti dai vakaremara vakave vekutanga pamapoka achatanga kubaiwa nhomba. Vakaremara vasingaone vanoda munhu anovabatsira kuyambuka mugwagwa. Dzimwe nguva vanhu ava dzinenge dzisiri shamwari kana hama dzavo. Zvikwanisiro zvekuti vange vachizvidzivirira nazvo zvinosanganisira ma sanitizers havana.

Izvi zvinotsigirwa naVaThomas Muchadenyika avo vanoshandisa madondoro pakufamba.

Vanoshandisa ma wheelchair vanobata mavhiri anotsika pese pese zvekuti vagara vari pamuteyo weCOVID 19. Zvinogona kuti pavanokumbira rubatsiro kuti munhu asunde wheelchair, anogona kunge ane COVID kudhara iwe wobva wabatira.

Mukuru wesangano revakaremara reSigns of Hope, Muzvare Samantha Sibanda, vanoti hurumende inofanira kunzwisisa matambudziko anosangana nevakaremara.

Vamwe havakwanisi kugara vega. Vanotoda munhu anovariritira kubatsira kusunda wheelchair. Vasingaone vanotorarama nekubata bata pese pese saka vanogona kungochibatira nyore chirwere chacho.

Muzvare Sibanda vanoti chimwe chiri kunetsa ndechekuti vakaremara vakaita sevasingagone kunzwa kana kutaura, vanosarira shure pakuwana ruzivo rwakakwana pamusoro peCOVID-19 kana ihwo hurongwa hwekubayiwa nhomba.

Saka panofanira kuve nezivo munhu asati abayiwa, asi vakaremara havasi kuziviswa. Vane ma cellphones ndivo vane zivo pamusoro pema vaccines. Pazvinosvika kune vakaremara zvinenge zvavhengana.

Mukuru wesangano reDeaf Zimbabwe Trust, Amai Barbara Nyangairi, vanoti zvakakosha kuti Zimbabwe nedzimwe nyika dzichiri kusimukira dzinofanira kuzvimiririra pakutsvaga nzira dzekurwisa chirwere che COVID-19, kwete kumirira nyika dzakabudirira.

Ini ndinofunga kuti dambudziko redu seAfrica nderekuti tiri kumirira vamwe kuti vagadzire zvinhu zvakaita sema vaccines vozotipa. SeAfrica kana SADC hatina nyanzvi here munyika medu? Saka kana ma vaccines achiuya ari mashoma kudaro, patinozosvika kune vakaremara panenge patooma.

Gurukota rinoona nezvekugara zvakanaka kwevanhu, Muzvinafundo Paul Mavhima, vanoti vari kushanda zvakasimba kuitira kuti vakaremara vave nehupenyu hwakanaka.

VaMavhima vavimbisa kuti vachaendesa kumusoro zvikumbiro zvevakaremara zvekuti vave vamwe vekutanga kubayiwa nhomba yeCovid-19.

Handione pane dambudziko kuti hurumende ipagadzirise kuti vakaremara vapinde muchikwata ichocho. Chinhu chatinogona kuti chitaurwe ku cabinet kana ku task force ye COVID-19.

Zimbabwe yakatara vashandi vemuzvipatara, vashandi vemumapazi ehurumende anoita mabasa anosangana neveruzhinji kuti vave vanhu vekutanga kubayiwa nhomba yeSinopharm pasi pechirongwa chakatanga munyika nemusi weChina.

please wait
Embed

No media source currently available

0:00 0:04:19 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda


Facebook Forum

XS
SM
MD
LG