Accessibility links

Breaking News

VaObama Votarisirwa Kukurudzira Vanhu kuVhotera Amai Clinton


VaBarack Obama naAmai Hillary Clinton.
VaBarack Obama naAmai Hillary Clinton.

Mutungamiri wenyika yeAmerica VaBarack Obama nhasi vari kutarisirwa kutaura pamusangano weDemocratic National Convention uyo wapinda muzuva repiri.

VaObama vari kutarisirwa kuti vakurudzire vanhu kuti vavhotere Amai Clinton. Sarudzo dzichaitwa muna Mbudzi asi VaObama vanosiya hofisi muna Ndira. Amai Clinton vakamboshandawo semunyori wezvekudyidzana nedzimwe nyika.

Mutevedzeri wavaObama, VaJoe Biden uye mutevedzeri waAmai Clinton VaTim Kaine vari kutarisirwawo kutaura pamusangano uyu.

Amai Hillary Clinton vaita mudzimai wekutanga munhoroondo yeAmerica kusarudzwa kuti vatungamire bato guru musarudzo dzemutungamiri wenyika. Izvi zvakatambirwa zviri pamutemo nebato ravo nezuro.

DEM 2016 Convention
DEM 2016 Convention

Murume waamai Clinton, VaBill Clinton avo vakambotungamira America vakataurawo pamusangano uyu nezuro vachiti mudzimai wavo munhu anoshanda nesimba pane zvose zvaanoita muhupenyu vakati akasarudzwa kutungamira america achavandudza zvinhu zvakawanda.

Amai Clinton vari kukwikwidzana musarudzo naVaDonald Trump vebato remaRepublicans.

Hurukuro naAmai Tendai Mataki
please wait

No media source currently available

0:00 0:01:09 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

XS
SM
MD
LG