Accessibility links

Breaking News

VaTsvangirai Vanonamatirwa muHarare neVatsigiri Vavo


VaMorgan Tsvangirai

Vatsigiri vebato reMovement for Democratic Change, vemachechi, pamwe nemasangano akazvimiririra, vaungana neChishanu kumahofisi eMDC muHarare vachinamatira mutungamiri webato iri, VaMorgan Tsvangirai, avo vane chirwere chegomarara.

Mutauriri weMDC Activists Veterans Association, iyo yaronga munamato uyu, VaChanza Chavengwa, vaudza Studio7 kuti vakaronga munamato uyu mushure mekuona kudzimbikana kwemutungamiriri webato ravo.

Kunyange hazvo kwanga kwofamba mashoko ekuti hutano hwaVaTsvangirai huri kudzikira, munin’ina wavo, VaMannasah Tsvangirai, vati mashoko aya ndeemanyepo.

VaMannasah Tsvangirai, avo vaudza Studio7 kuti vakabva kuSouth Africa svondo rino, vati hutano hwemukoma wavo huri kuita zviri nani chose.

Vawedzerawo vakati kurangarirwa kwemukoma wavo nevanhu vakasiyana siyana kuti vakunde chirwere chegomarara ichi, kunovanyevenutsa semhuri.

Mumwe wevafundisi vauya kuzobatana nevamwe, Doctor Douglas Mambure, vatiwo vane chivimbo chekuti kuna Mwari hakuna chirwere chisingarapiki.

VaMambure vati vane tarisiro yekuti VaTsvangirai vazokwikwidza sarudzo dzegore rino vapora pamwe nekuti hukuru hwaMwari huonekwe kuburikidza nekupora kwavo.

Amai Thandiwe Chinozvina vabva kumusha weZengeza vatiwo vasimudzwa kuti vauye kumunamato neshuwiro yekuti VaTsvangirai vaitirwe nyasha naMwari.

Mukomana wechidiki anga ari pamusangano uyu, VaMunyaradzi Mwale, vashora zvikuru mashoko enhema avati ari kushambadzwa pamadandemutande ekuti VaTsvangirai vakashaya.

VaTsvangirai vari kuitirwa minamato kumatunhu akasiyana-siyana munyika, uye ndivo vakadomwa kuti vakwikwidze pachigaro chemutungamiri wenyika vakamirira mubatanidzwa weMDC Alliance.

please wait

No media source currently available

0:00 0:06:19 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG