Accessibility links

Breaking News

Vanhu Vopesana paBhiri reKupodza Maronda neKuregererana Munyika


Public Hearing
Public Hearing

Musangano wekunzwa zvinodiwa nevanhu kuti zvinge zviri mubhiri rekupodza maronda nekugarisana murunyararo waitirwa muChinhoyi neChishanu hauna kuzopera zvakanaka apo vamwe vapinda mumusangano uyu vanga voimba vachinyongana.

Nhengo dzeparamende idzi, idzo dzanga dzichisvika gumi neshanu dzabuda mumusangano waitirwa muCooksey Hall mushure mekutadza kunyararidza vanhu vanga voimba dziyo dzakasiyanana zvichienderana kuti vanotsigira bato ripi.

Nhengo dzebato reZanu PF neMDC inotungamirwa naVaMorgan Tsvangirai ndidzo dzabuda pachena mukunyombana nekuimba nziyo dzemapato adzo.

Vachiona kuti hapana chichabuda pamusangano uyu sachigaro wekomiti yeparamende inoona nezvekunzwa pfungwa dzevanhu, VaJustice Mayor Wadyajena, nevamwe vavo, vabuda muhoro vachisiya vanhu vachiimba.

Asi VaWadyejena vatanda nyadzi vachiti musangano wapera zvakanaka uye zvavanga vachitarisira zvabuda pamusangano uyu.

Nyaya yanyanyotsviriridza pamusangano wanhasi yanga iri yekuti ndeapi mavanga anofanirwa kupodzwa ekubva pawana nyika kuzvitonga here, kana kuti zvakaitikawo kumashure.

Vanhu vapesana vamwe vachiti vanhu vanofanirwa kukanganwirana pane kutadzirana kwakaitika nguva yakare.

Vane mafungiro aya vati kukwenya maronda akare hazvivake nyika uye pekutangira panogona kunetsa sezvo zvichidzokera kunguva yehondo dzemadziteteguru.

VaTonny Mwanza mumwe wevamwe vane mafungiro akadaro.

Muzvare Benihilda Tsomondo vanotsigira pfungwa dzaVaMwanza vachiti kana vanhu vachida kufukunyura zvakare havafanirwe kungogumira panguva yegukurahundi chete.

Muzvari Tsomondo vati vaimbotonga nyika ino, VaDouglas Smith, vakaurayisa vanhu vakawanda munguva yehondo yerusununguko.

VaTichaona Chuma vati vakaurayirwa vana vatatu musi mumwe chete munguva yeGukurahundi. Vati nyaya yeGukurahundi inofanirwa kugadziriswa kuti munyika muve nerunyararo rwechokwadi.

Mumwe mugari, VaMoses Musendami, vati mhosva dzinoregererwa dzinofanirwa kudonongodzwa mubhiri kwete kupa gurukota masimba akawandisa sezvo vamwe vavo vari vapari vemhosva dzemhirizhonga munyika.

Vakawanda vawirirana nepfungwa yekuti komisheni iyi inofanirwa kugara iriko uye kuti ive nemapazi akawanda munyika sezvo nyaya dzekutadzirana dzakawanda uye dzichiitika nguva dzose.

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG