Accessibility links

Zimbabwe Yotaurawo paMusangano Uri Kuzeya Minda neHurombo Pasi Rose


World Bank meeting

Musangano webhanga repasi rose wekuzeya nyaya dzeminda nekodzero wapinda muzuva repiri muWashington DC, nyanzvi dzichipangana mazano zvingaitwe mukugadzirisa dambudziko reminda rakatarisana nenyika dzakasiyana siyana.

Nyanzvi munyaya dzekurima nezveminda dzakabva kuZimbabwe dzataurawo pamusangano uyu zvakatarisana nenyika.

Vachitaura pamusangano uyu, VaTakunda Chabata, vapa muonero wavo nezvingashandiswa pakuchengetedzwa kwevhu zvakaita semichina yemazuva ano senzira yekuchengetedza ruzivo munyaya dzevhu nevari kurishandisa.

VaChabata vatiwo zvinenge zvakakosha kuti zvizivikanwe kuti ndivanani vari kushandisa minda nemazvo uye ndivanani vanenge vachitadza kushandisa minda iyi.

Musangano uyu wakurukurawo nyaya dzehuori dzinoitika mukugoverwa kweminda munyika dzakasiyana siyana.

Chipangamazano munyaya dzeminda, Professor Mandivamba Rukuni, vari kutaurawo pamwe nekukokera misangano iri kuitwa muWashington DC.

Vari kupinda mumisungano iyi vanhu vakabva kumapazi ehurumende anoona nezveivhu, nyanzvi mumabatirwo ehupfumi hwevhu, nyanzvi dzekushandiswa kwemichina mumabatirwo evhu, pamwe nenyanzvi dzinoona nekuchengetedzwa kweruzivo nemazano mukurwisana nezvipingaidzo zvinosanganwa nazvo mumabatirwo enyaya dzeminda.

Zvipingaidzo izvi zvinosanganisira huori, kugovewa kwevhu zvakaenzana pakati pevanhurume nevanhukadzi.

Musangano uyu unopera neChishanu, uye wakatanga neMuvhuro.

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG