Mamwe madzimai emuChinhoyi anoti anotya kutariswa chirwere chegomarara nekuti anenge asina mari yekuzorapwa.
Vachitaura pamusangano wakokerwa nesangano remadzimai reWomen’s Coalition of Zimbabwe, madzimai makumi masere abva muChinhoyi nenzvimbo dzakapoteredza guta iri, ati anotya kutariswa kuti ane chirwere chegomarara here sezvo anenge asina mari yekuzorapwa.
Mumwe wemadzimai aya, Amai Chipo Mhlotswa, avo vanogara mumusha weAlaska pedyo neChinhoyi, vati kuwongororwa kuti vane cherwere chegomarara hazvina kukwana sezvo pachizodiwa mari yekurapwa iyo vanoti vakawanda vanenge vasina.
Amai Mlotswa vati kuongororwa pachena kunofanirwa kuteverwa nekurapwa pachena izvo zvisiri kuitika munyika.
Muzvare Esther Chinavainzva vatiwo zviri nani kugara vasingazive kuti vane chirwere chegomarara here kana kuti kwete sezvo vanenge vasina mari yekurapwa.
Muzvare Chinavainzva vakurudzira kuti hurumende iwanise mishonga pachena kumadzimai anenge achirapwa chirwere chegomarara.
Nyanzvi munyaya dzehutano dziri kukurudzira madzimai pamwe nevarume kuti vaongororwe kana vaine chirwere chegomarara kuitira kuti kana chaonekwa, chitange kurapwa chisati chakomba.
Pasi rose riri kucherechedza gomarara mumwedzi weGumiguru.
Zvimwe zvabuda pamusangano uyu idambudziko rekushaikwa kwema sanitary pads nevasikana, zvikuru vekumaruwa.
Muzvare Celia Mtande vati vasikana vari pasi pemakore gumi nemasere vanofanirwa kupihwa mapedzi aya pachena sezvinongoitwa mapiritsi ekuronga mhuri.
Musangano uyu washoropodzawo mashoko emuporofita, VaWalter Magaya, avo vakati vakawana mushonga wekurapa chirwere chegomarara pamwe neAIDS.
Amai Felistus Mhondiwa vati zvakataura naVaMagaya zvikabuda kuti manyepo zvichakanganisa zvikuru madzimai akawanda kudarika varume sezvo madzimai akawanda achienda kumakereke.
Studio7 haina kukwanisa kunzwa divi raVaMagaya panyaya iyi.
Madzimai ashoropodzawo kuroorwa kwevana vanenge vasati vabve zera achiti hurumende inofanirwa kuomesera vose vanenge varoora vana vadiki.
Facebook Forum