Accessibility links

Breaking News

Vakaremara Vanoti Bhajeti ra2020 Harina Kuisa Zvido Zvavo


DISABLED PEOPLE IN BORNO STATE

Vakaremara vakawanda vari kunyunyuta pamusoro pehurongwa hwemari hwebhajeti renyika regore ra2020 vachiti shuviro dzavo hadzina kuiswa mubhajeti iri.

Vanotungamirira sangano revakaremara reNational Council of Disabled Persons of Zimbabwe, Amai Farai Cherera, vanoti chirongwa chemari yakapihwa mapazi ehurumende, chaifanira kubatawo bandiko revakaremara.

Amai Cherera vanoti hurumende inofanira kunzwisisa kuti vakaremara vanodawo kusimukira kufanana nemadzimai nevechidiki zvichibva muzvirongwa zvehomwe yenyika.

"Saka ndaitarisira kuti budget iri ribate hupenyu hwevakaremara, rinoita kuti vasimuke pavanenge vari. Tinoona kuti panogara pachitaurwa kuti ma youth dai vanga vasimukira vaita ma project kuti hupenyu hwavo hunake, madzimai dai vanga vasimukira. Ko vakaremara tiri papiwo? Tinongochema tichigwesha nemadziro. Dai vanga vatitarisawo. Tiri vanhu vakangofanana nevamwe. Tinodawo kusimudzirwa hupenyu hwedu hwekurarama," vadaro Amai Cherera.

Pfungwa iyi inotsigirwa naVa Henry Kane vekuEpworth, avo vakaremara gumbo rekuruboshwe. VaKane vanoti bhajeti rinoratidza kuti vakaremara vakanganikwa zvachose pahurongwa hwegurukota rezvemari, VaMuthuli Ncube.

"Ndichizoteerera pavakataura pane rimwe bandiko re breakfast vakati hapana chatakachinja, takangozviisa imomo mukati mezvimwe. Asi kana tisingaone chaipo pazvakaiswa tinoona kuti ivo semunhu anoverenga bumbiro remutemo vakaona kuti bumbiro remutemo rinotaura kuti hurumende inofanira kubatsira vakaremara ndokunge mari yacho kana zvinhu zvacho zviripo. Saka nokuda kwekuti zvinhu zvacho hazvipo havana kufunga nezvazvo, saka havana kumbofunga nezvazvo," vadaro VaKane.

Mutauriri weDeaf Zimbabwe Trust, VaTinotenda Chikunya, vanoti mari dzinopuhwa vakaremara mubhajeti dzinofanira kumira padzo dzega zvichiendererana nezvikumbiro zvavanenge vapa.

Vanotungamirira sangano reAfrican Union of the Blind, VaIshumael Zhou, vanoti vakaremara havafanire kutya kutaura chokwadi kana zvinhu zvisina kufambiswa zvakanaka panyaya dzebhajeti.

Vanomiririra vakaremara muparamende, Senator Watson Khupe, vanoti zvikumbiro zvavakapa pakuumbwa kwebhajeti hazvina kuzoburitswa sematauriro avakange vazviita.

VaKhupe vanoti kana chikumbiro chapihwa chinofanira kubuda sezvachiri, kwete kuita musiya padiki sezvakaitika pabhajeti.

Izvi zvinotsirwa naSenator Rejoice Timire, avo vanomiririrawo zvekare vakaremara muparamende.

Imwe nyanzvi inopa mazano panyaya dzezve hupfumi hwenyika, VaMasimba Kuchera, vanoti zvakakosha kuti gurukota rinoona nezvemari pamwe nebudiriro mune zvehupfumi hwenyika, rinofanira kutora nguva yekunyatsonzwisisa kuti vakaremara vanorarama sei. VaKuchera, avo vasingaone, vanoti ruzivo urwu rwakakosha kuitira kuti vasaite musiya padiki pakugadzira bhajeti.

Studio7 haina kukwanisa kunzwa kuna VaNcube sezvo nharembozha yavo yanga ichinetsa kubata.

Bhajeti rakaturwa naVaNcube harisati rapasiswa neparamende kuitira kuti rishandiswe zviri pamutemo gore rinouya.

Nyaya Ina Safari Njema
please wait
Embed

No media source currently available

0:00 0:11:07 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda


Facebook Forum

XS
SM
MD
LG