Accessibility links

Breaking News

Vagari vekuMukumbura Vorarama neKubvisa Zvimbambaira


Nzvimbo yeMukumbura kuMashonaland Central inopisa zvikuru uye kazhinji kacho goho haribudi zvakanaka.

Pamusoro penhamo nenzara iyi, Mukumbura inezvimbambaira zvakasiiwa munguva yehondo kunyanya nemauto eRhodesia.

Zvimbambaira izvi zviri kuremedza vamwe vagari asi panguva imwe cheteyo zviri kushandura hupenyu hwevamwe sezvo vopinda mabasa ekuzvibvisa

Uchipinda muzvimbo yeMukumbura, unotambirwa nedzimba dzeuswa diki diki pamisha mizhinji uye matura asina chinhu nenyaya yenzara.

Kunzimbo iyi hakuna makambani uye vamwe vagari vanotoyambuka muganhu weZimbabwe vachienda kuMozambique kunotsvaka mabasa.

Kuuya kwemasangano ari kubatsira kubvisa zvimbambaira mudunhu iri kuri kushandura hupenyu hwevamwe vagari vemudunhu iri.

VaTakawira Zenda vanoti pamusoro pekukwanisa kuchiwana mvura, mafuro emombe kanawo minda yekurima munzvimbo dzinenge dzabviswa zvimbambaira, kupinzwa basa kwevagari vemunharaunda iyi mabasa ekubvisa zvimbambaira nesangano rakazvimirira reHalo Trust kuri kusimudzira hupenyu hwavo.

VaZenda vanoti basa rekuchera zvimbambaira iri ndobasa ravo rekutanga kunyangwe zvavo vatove saimba.

Mabasa anga achinetsa zvikuru kuwana saka kubviswa kwezvimbambaira uku pamusoro pekuchenesa nzvimbo yedu , tanemabasa.”

VaNoel Piroro vakatsinhirawo vakati vakawana basa rekuchera zvimbambaira ava vazhinji vavo misha yavanogara yave neshanduko kuratidza kuti pane munhu ari pabasa.

Kune vanhu vakawana basa vari kusevenza uye vavekukwanisa kuvaka dzimba dzavo dzekugara, kutenga zvipfuwo zvavange vasina nezvimwe zvakawanda.”

Kunyangwe zvazvo basa rekuchera zvimbambaira iri riri basa rine njodzi yakakura, kuMukumbura kana vanhukadzi vave kubatsirawo kuchenesa nzvimbo yavo.

Muzvare Munei Gandari vanobva mudunhu reRukudzo muMukumbura makare vanoti kunyangwe zvavo vakaita zvekutiza kuti vatange basa, amai vavo nekuona pundutso muhupenyu hwavo uye vave kutokurudzira kuti achengete basa.

Ndakauyawo nekuti vamwe ndaivaona vachishanda vachichengeta vana nevabereki vavo nenherera pamwe nekuvaka dzimba. Ini ndandisina imba. Amai vangu ndakatoita vekutiza nekuti vaisada kuti ndishande basa iri. Ndakazovatengera matenesi negumbezi pekutanga vakabva vatanga kundi namatira kuti ndishande zvakanaka.”

VeSangano reHalo Trust vanoti kubvisa zvimbambaira pane basa guru nekudaro panodawo vanhu vazhinji sezvo zvimbambaira izvi zvichiita zvekucherwa nemaoko.

Sangano iri rakaudzawo Studio 7 kuti munzvimbo marinoshanda vanopa mabasa kuvagari vakawanda zvinobetserawo kuti vanhu vaite basa nemoyo wose sezvo vachiziva kuti kusiirira zvimbambaira kuzvisikira moto muziso.

Zimbabwe ndeimwe yenyika dzichine zvimbambaira zvakawanda zviri pedyo nemisha inogara vanhu.

Zvimbambaira izvi zvakadyarwa nguva yehondo ane masoja eRhodesia kuyedza kudzivirira zvizvarwa zveZimbabwe kuti zvisayambuke kuenda kune dzimwe nyika kunodzidzira kurwa hondo uye kudzivirira varwi vehondo yerusununguko kuti vasapinde munyika.

Sangano reHalo Trust rinoti zvinogona kutora makore angasvike gumi nemashanu kuti Zimbabwe ibvise zvimbambaira zvose.

Kubva muna 1980, vanhu vanopfuura chiuru chimwe chete nemazana mashanu vaurayiwa nezvimbambaira izvi uye vanhu zviuru zviviri vafawo. Mombe dzinosvika chiuru zana nemakumi maviri dzafawo nenyaya yezvimbambaira izvi.

Nyaya Ina Patricia Mudadigwa
please wait

No media source currently available

0:00 0:02:08 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

XS
SM
MD
LG