Accessibility links

Breaking News

Vagari vemuHarare Vanoti Mitemo yeHurumende Yopa Kuti Nzara Ipfunye Chisero Mudzimba Dzavo


Nyanzvi munyaya dzehupfumi dzinoti kunyange hazvo hurumende ichibvuma kuti hupfumi hausi kufamba zvakanaka uye kuti veruzhinji havasisina mabasa gore rino yakatora matanhano akawedzera kutambudzika kweveruzhinji akaita sekuvatandanisa mumigwagwa umo vaitengesa kuti vawane raramo pamwe nekuvaputsira dzimba ichiti dzimba idzi dzainge dzavakwa munzvimbo dzisingabvumidzwe.

Gore rino hurumende yakapa mvumo kumakanzuru kuti adzinge vanotengesa mumigwagwa zvikuru sei panzvimbo dzisingabvumidzwe ichiti vaisvibisa maguta nemadhorobha.

Asi vanhu ava vanoti makunzuru aya ari kutadza kuvapa nzvimbo dzavano kwana vese sezvo vawanda zvikuru nekuda kwekushaikwa kwemabasa. Izvi zvaita kuti gore ra2015 ripere vashandi vemakanzuru nemapurisa vachiita hwakiti nagonzo nevanotengesa mumigagwa.

Mukuru werimwe remasangano anomirira vanotengesa mumigwagwa reZimbabwe Informal Sector Organization zvakare vari mutauriri wemubatanidzwa wemasangano anomiriria vanotengesa mumigwagwa reInformal Economy Coalition, VaPromise Mkwananzi, vanoti kunyange nhengo dzavo dziri kushungurudzwa vacharamba vachitengesa mumigwagwa sezvo pasina zvimwe zvavangaite.

VaMkwananzi vanoti nhengo dzemasangano avo dziri kurasikrwa nemari yakawanda chose apo dzinotorerwa zvinhu zvadzo nemakanzuru nemapurisa.

Nyanzvi munyaya dzezvehupfumi, VaMasimba Manyanya vanoti pane kushungurudza vanhu, makanzuru pamwe nehurumende vanofanira kugadzirisa dambudziko raita kuti vanhu vagume vave mumigwagwa vachitsvaga chouviri.

Asi VaPaddington Japajapa avo, vanomirira sangano remabhizimisi reZimbabwe Centre for Business for Opportunities, vanoti kunyange hazvo vanhu vayaura nenhamo havafaniri kurarama nekuita zvinhu zviri kunze kwemutemo.

VaJapajapa vanoti sangano ravo rinotsigira vemabhizimisi madiki nevanotengesera mumigwagwa asi rinodawo kuti vatevedze mitemo vachiti zvimwe zvave kutikita mumaguta hazvina kunaka sezvo vanhu vave kutengesera pese pese. V

ashorawo danho rakatorwa nehurumende rekurambidza kupinda munyika mbatya neshangu tsaru vachiti izvi ndizvo zvave kuraramisa veruzhinji sezvo makambani anogadzira mbatya akavhara.

Imwe nyaya isina kufadza veruzhinji kuputsirwa dzimba dzavo nekanzuru muHarare neChitungwiza nekanzuru vachinzi vainge vadzivaka panzvimbo dzisingabvumidzwe. Asi VaManyanya vanoti zvinoshamisa kuti makanzuru anorega vanhu

vachivaka nekushandisa mari dzakawanda achimirira kuzoparadza chete. VaManyanyaya vanotiwo masangano anomiriria vagari a anofanirawo kudzidzisa veruzhinji mutemo nematanho anofanira kutedzwa nemunhu asati avaka.

Asi VaJapajapa vanoti vanhu havafanira kuvakapa pese pese vachiti dzimwe dzimba dziri kuputswa dzakavakwa panzvimbo dzisingaite dzakaita sepasi petambo dzemagetsi kana nzvimbo dzinofanira kuvakwa zvikoro kana machechi.

Vanotiwo vamwe vanhu vaivaka nechisimba vachishandisa zvematongerwo enyika. Vanongorora nyaya dzehupfumi, VaMasimba Kuchera, vaudza Studio 7 kuti zvakaitika zvese izvi zvakakonzera kutambura kwanyanya sezvo zvakaita kuti vanhu varasikirwe nemari yakawanda.

VaKuchera vanoti mhuri zhinji munyika hadzichakwanisa kurarama sedzaiita kare. VaKuchera vanoti hurumende inofanira kuisa mutemo inokwezva vemabhizimisi kuti vatange mabhizimisi munyika kuti veruzhinji vakakwanise kuchengeta mhuri dzavo.

Vanoti mhuri zhinji dzaparira nepasi rese dzichitsvaga raramo uye zvinofungidzirwa pane zvizvarwa zveZimbabwe zvinodarika mamiriyoni matatu zvave kugara kunze kwenyika. Vazhinji vevanhu ava vari kunyika dzakaita seSouth Africa neBritain.

Nyaya Ina Irwin Chifera
please wait
Embed

No media source currently available

0:00 0:05:50 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

XS
SM
MD
LG