Accessibility links

Breaking News

Zanu-PF Inoparura Gwaro reGwara Rayo Musarudzo


Zanu PF
Zanu PF

Bato reZanu PF raparura gwaro regwara rarichatevedzera pakutsvaga rutsigiriro pamberi pesarudzo dzegore rino kana kuti election manifesto zvinhu zvakaita manyama amire nerongo mubato iri panyaya dzekusafamba zvakanaka kwakaita sarudzo dzekutsvaga vachamirira bato iri musarudzo dzenyika.

Vachiparura gwaro iri, mutungamiri wenyika, VaEmmerson Mnangagwa, vati bato ravo ragadzirira zvakakwana kuti rikunde musarudzo dzegore rino vachiti chasara chete kugadzirisa kusawirirana kwenhengo dzaro idzo dzisiri kufara nemafambisirwo akaitwa sarudzo dzema primary.

VaMnangagwa vati komiti yepamusoro mubato ravo pakati pemakongiresi yePolitburo ichasangana neMugovera kuti iyedze kugadzirisa zvose zvakakonzera kuti nhengo dzebato ravo dziite bata mupfupi bata murefu musarudzo dzekutsvaga vachamirira bato ravo musarudzo dzenyika.

VaMnangagwa vati hutungamiri hunobva kuvanhu vakatsoropodza kudzimikirwa kunonzi kwakaitwa vamwe vanhu kuti vakwikwidze vakamirira bato ravo musarudzo dzenyika dzakatarisirwa mumwedzi mishoma iri kutevera.

VaMnangagwa, avo vatora nguva refu vachitaura nezvemakakatanwa ari mubato ravo, vati nhengo dzebato ravo dzinofanira kubatana pamberi pesarudzo vachiti kuita chinhu chimwe chete ndiko kuchaita kuti vakunde musarudzo dziri kuuya.

Vaenderera mberi vachikurudzira vose vachakwikwidza vakamirira bato musarudzo dzekanzuru pamwe neparamende kuti vatsvage rutsigiro murunyararo kuitira kuti vagokwanisa kukwezva veruzhinji kuti vavhotere bato ravo.

Gwaro raparurwa naVaMngangagwa iro rine dingindira rekuti “Unite, Fight Corruption, Develop, Re-engage and Create Jobs,” riri kusimbaradza nyaya dzekubatana, kusimudzira hupfumi hwenyika, kudyidana nedzimwe nyika pamwe nekuwanisa veruzhinji mabasa.

Vatiwo sebato riri kutonga vacharamba vachiedza kuti Zimbabwe ive neshamwari dzakawanda kuitira kuti vekunze vagozosima mari yavo munyika iyo yavati hurumende yavo inoda kuti igokwanisa kuvandudza hupfumi hwenyika.

VaMnangagwa vati kana bato ravo richinge rasarudzwa kuti rirambe riri panyanga, vachasimbaradzawo nyaya dzekurima, kugadzirwa kwezvivakwa, dzidzo, hutano, kuwanisa veruzhinji dzimba pamwe nekuti munyika muve nehutongi hwejekerere kuburikidza nekugara muchiitwa sarudzo dziri pachena.

Papera kuparurwa kwegwaro iri, munyori anowona nezvekutakurwa kwezvinhu mubato iri, VaJuly Moyo, vazivisa kuti matunhu ebato ravo ose pamwe nevachange vachimirira bato ravo musarudzo dzenyika vachapihwa motokari itsva dzekushandisa mukutsvaga rutsigiro.

Vanhu vave kubuda pahotera yanga ichiparurirwa gwaro iri, dzimwe nhengo dzebato iri dzaenda pamuzinda webato iri dzakatakura zvinyorwa zvanga zvichitsoropodza gurukota rezvevashandi Amai Petronella Kagonye pamwe pamwe naVaKazembe Kazembe vachinzi havana kufambisa sarudzo dzema primary zvakanaka kuGoromonzi South pamwe nekuMazowe West.

please wait

No media source currently available

0:00 0:05:33 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG