Accessibility links

Breaking News

Vochekerana Muvhu muZanu-PF neNyaya yeAchatsiva VaMugabe


Komiti yepamusoro mubato reZanu-PF, central committe, iri kutarisirwa svondo rinouya kuti izeye nyaya yekunetsana kwakanyanya kuri mubato iri zvichitevera makakatanwa ari kubuda musarudzo dzematunhu idzo dzaunza mvongamupopoto mubato iri.

Dare repamusoro soro reZanu PF, politiburo, rakasangana neChina muHarare rikazeya nyaya yekunetsana uku mushure mekunge vamwe varamba kutambira zvakabuda musarudzo dzakaitwa kuMidlands neManicland.

Mamwe matunhu masere, Mashonaland East, Mashonaland Central, Mashonaland West, Bulawayo, Matabeleland South, Matabeleland North, Masvingo neHarare, haasati aitwa sarudzo nekuda kwekunetsana vamwe vachiti pari kushandiswa mari, kutyisidzirana, uye kubiridzira mavhoti.

Pane kukandirana makobvu nematete mubato iri pakati pezvikwata zviviri zvagara zvichinzi zvinonetsana nekuda hutungamiri.

Chimwe chinonzi chinotsigira mutevedzeri wemutungamiri wenyika, Amai Joyce Mujuru, chimwe chichitsigira gurukota rezvemitemo, VaEmmerson Mnangagwa.

Vaviri ava vanoti havo havana zvikwata zvavanotungamira.

Vakakunda kuManicaland ndiVaJohn Mvundura, avo vanonzi vakakunda Amai Monica Mutsvangwa, avo vakazoramwa sarudzo dzisati dzapera vachiti pane chikiribidi chakaitwa.

VaJason Machaya vakakunda VaLarry Mavhima kuMidlands. VaMavhima vari kurambawo kutambira zvakabuda musarudzo.

VaMvundura naVaMachaya vanonzi vari kutsigira Amai Joyce Mujuru.

Sarudzo idzi dzakakosha sezvo bato reZanu-PF riri kuita kongiresi yaro gore rinouya, iyo ichasarudza vatungamiri vebato vatsva.

Masachigaro ari kuda kusarudzwa nematunhu aya anenge akakosha musarudzo idzi.

Zvinonziwo pari kutemeranwa muvhu panyaya yekuti achatora chigaro chemutevedzeri wemutungamiri webato achitsiva muchakabvu, VaJohn Landa Nkomo, ndiyani.

Sarudzo dzemutevedzeri wemutungamiri webato wechipiri dziri kutarisirwa kuitwa muna Zvita pamusangano webato iri wepagore kuChinhoyi.

Vakawanda vanotarisira kuti sachigaro webato, VaSimon Khaya Moyo, ndivo vachatora chigaro ichi. Asi izvi zvikaitika zvinorevazve kuti panenge poita imwe hondo yekuti ndiyani achatora chigaro chakakosha chavanenge vosiya.

Vamwewo vari kuronga kukwikwidza VaKhaya Moyo, asi vanhu ava vanofanirwa kudomwa nematunhu.

Vakuru vebato vataura neStudio 7 vasina kuda kudomwa nemazita vanoti nyaya yekuti mutungamiri webato, VaRobert Mugabe, vakura ndiyo yava kupa kuti bato rizungunuke.

Nyanzvi munyaya dzezvematongerwo enyika, uye vari mukuru weMedia Centre, VaEarnest Mudzengi, vanoti kugadzirisa nyaya iyi Zanu-PF inofanira kubuda pachena kwete kuita zvekuhwandirana.

please wait

No media source currently available

0:00 0:02:04 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda
XS
SM
MD
LG