Accessibility links

Breaking News

Vanhu muZanu PF Vochema Chema neMari Dzavari Kubvisiswa Kuti Vakwikwidze


FILE - Zimbabwe’s President Emmerson Mnangagwa (R) is seen at a ZANU-PF congress where he was said to still be consulting on senior party appointments, in Harare, Dec. 15, 2017. (S. Mhofu/VOA)

Dzimwe nhengo dzebato reZanu PF mudunhu reMashonaland West dzinoti hadzisi kufara nemari dzavakabhadhariswa kuitira kuti magwaro avo atambirwe sevanhu vari kuda kukwikwidza musarudzo dzema primary.

Vose vari kuda kukwikwidza kuita makanzura emudhorobha vaifanirwa kubhadhara madhora zana negumi, vakabhadhariswa madhora zana nemakumi maviri emadhora, zvichinzi gumi remadhora raizoshandiswa kubhadhara mutero wekutumira mari iyi kubhanga re First Banking Cooperation, FBC, iro rinoshandiswa neZanu PF.

Vari kuda kukwikwidza muzvigaro zvemuparamende vakabhadhariswa madhora makumi maviri pamusoro izvo vari kuchema chema vachiti huori huri kuitika mubato, kutyora mutemo yavanoisa sebato riri kutonga.

Imwe nhengo yeZanu PF iyo iri kukwikwidza kuKariba asi isingade kuzivikanwa nezita inoti yakabhadhara madhora makumi maviri pamusoro vachinzi mari iyi inozobatwa paecocash kana mari yave kutumirwa kubhanga.

Mubati wehomwe mudunhu reMashonaland West uye vari mumiriri weChegutu muparamende, VaDexter Nduna, vanoti havazive kuti kune mari yaibhadharwa mumafoni evashandi vebato.

VaNduna vanoti mari yaifanirwa kubhadharwa kubhanga rebato rekuFBC asi vanoti zvisineyi vachaongorora mafambisirwo akaitwa kubhadharwa kwemari apo vanenge voita odhiti.

Nyanzvi yezvematongerwo enyika muChinhoyi, VaJohn Marava, vanoti kuita kweZanu PF uku kwekutyora mutemo nekuita mitengo miviri mucherechedzo wekuti havarevese kana vachiti vari kurwisa huori munyika.

Imwe nyaya iri kunetsa ndeyekuti vose vari kuda kukwikwidza vanoti vakamanikidzwa kubhadhara madhora makumi matanhatu ekuve nhengo yebato kwemakore mashanu apfuura nemadhora matatu ekutenga kadhi idzva rechizvino zvino.

Asi VaNduna vanoti vose vakabhadhara mari yekuve nhengo vainge vasina humbowo hwekuti vaibhadhara mari dzekuve nhengo pamwedzi wega wega.

Nhengo dzebato dzinoti kuita kwakadai chitsotsi sezvo vachiziva kuti hakuna munhu anochengeta marisiti kwemakore mashanu.

please wait

No media source currently available

0:00 0:03:09 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG