Accessibility links

Breaking News

Zanu PF Yotyisidzira neRufu Vakapinda Musangano Wakaitwa naVaTsvangirai kwaGutu


Leader of Zimbabwe's opposition party Movement For Democratic Change (MDC) Morgan Tsvangirai greets supporters at a rally in Harare, July 29, 2013.
Leader of Zimbabwe's opposition party Movement For Democratic Change (MDC) Morgan Tsvangirai greets supporters at a rally in Harare, July 29, 2013.

Sachigaro wevechidiki mudunhu iri, VaRabson Manzunzu, vakatiwo vanhu vakaenda kumusangano weMDC vachapfurwa nepfuti.

Vatungamirir veZanu PF kuGutu South pamwe chete naIshe Makore vanoti munhu achaonekwa achienda kumisangano ye MDC mudunhu iri achaurayiwa neZanu PF.

Vagari vemu ward 27 ne 28 vakadaidzwa kumusangano musi weChipiri uyo vakaudzwa kuti vakaonekwa vachienda kumisangano yeMDC vachaurayiwa.

Izvi zvinotevera musangano wakaitwa nemutungamiri weMDC, VaMorgan Tsvangirai, mudunhu iri nemusi weMugovera.

Vatungamiri veZanu PF vakashandisa Mambo Makore, Va Jestias Muzenda, kuudza masabhuku anopfuura makumi matatu kuti vauye kumusangano nevanhu vavo vose.

Pamusangano wakaitwa pa Chaitemura mu ward 27, paiimbwa nziyo nekuitwa ma sirogani eZanu PF, vanhu vachiudzwa kuti vachafa, uye vakaenda kumusangano we MDC wachinzi vachaurayiwa.

Sachigaro we Zanu PF anoona nezvana mujibha nana chimbwido muzvimbo iyi, VaJeseph Musasiwa, avo vanozivikana nerekuti komuredhi Fodho, vakati pachafiwa nekudeuka kweropa kuvanhu vose vakaenda kumusangano waVaTsvangirai.

Sachigaro wevechidiki mudunhu iri, VaRabson Manzunzu, vakatiwo vanhu vakaenda kumusangano weMDC vachapfurwa nepfuti.

Vakatiwo vanhu vanobva pamusangano weZanu PF usati wapera, vacharangwawo zvakare.

Vakati Zanu PF ichadzinga masabhuku ose anotsigira MDC uye vanoenda kumisangano yebato iri.

Mambo Makore vakati vari kurwadzikana nevanhu vavo vakaenda kumusangano waVa Tsvangirai vakati havachabvumidzi misangano ye MDC mudunhu ravo.

Ishe ava vakabuda pachena vachiti ndeve Zanu PF, nokudaro vanhu vavo vose vanofanira kuita zvinodiwa neZanu PF.

Ishe Makore vakatiwo vachadzinga masabhuku pamwe chete nemakanzura eMDCT akasangana naVaTsvangirai vasina kuziviswa saMambo wedunhu iri.

Ishe Makore vakapomera Va (first name) Tangemhare mhosva yekutema huni dzekubika doro remusangano uyu vachiti zvaisava pamutemo wavo.

Asi VaTangamhare, avo vanovazve sachigaro weMDCT ku Gutu South, vakati Ishe Makore havana simba rekuvadzinga pamwe nekutyikidzira vatsigiri ve musangano wavo.

Musangano uyu wakasiya vagari vazhinji vaine kutya sezvo wakavimbisa kudzoka kwe mhirizhonga yezvematongerwe enyika mudunhu iri.

Nyaya Ina Gandri Maramba
please wait
Embed

No media source currently available

0:00 0:11:20 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

XS
SM
MD
LG