Accessibility links

Breaking News

Masangano Anoti Zimbabwe Ngaidzidze Zvinoitwa neZambia Munguva dzeSarudzo


Imwe nyanzvi inoongorora zvematongerwo enyika inoti masangano akazvimirira munyika haasi kunyatsokushanda zvakanaka uye izvi zvinoita kuti atadze kuita basa rawo rekupa vanhu ruzivo pamusoro pesarudzo pamwe nekuongorora mabasa ehurumende kana eavo vanenge vachida zvigaro muhurumende.

Nyaya Ina Irwin Chifera
please wait
Embed

No media source currently available

0:00 0:03:26 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Izvi zvabuda pamusangano wekuzeya sarudzo yemutungamiri weZambia yakaitwa mwedzi wapera. VaEdgar Lungu ndivo vakasarudzwa kuva mutungamiri weZambia.

Vachitaura pamusangano wange wakarongwa neveZimbabwe Elections Support Network wekuzeya mafambiro akaita sarudzo yemutungamiri wenyika kuZambia, VaPhilani Zamchiya, vati masangano ekuZambia akaita basa guru rekudzidzisa vanhu pamusoro pesarudzo uye vati masangano emuno ari kutadza kuita izvi.

Vati kunyange hazvo Zimbabwe iri kuda kuita sarudzo dzema by-elections dzekusarudza vachatora zvinzvimbo zvakasiyiwa naAmai Joice Mujuru kuMt Darwin na Va Emmerson Mnangagwa kuChirumanzu-Zibagwe, masangano aya haana zvaari kuita mukudzidzisa vanhu kodzero dzavo pasurudzo.

Vati dambudziko guru remasangano emuZimbabwe nderekuda kudzidzisa vanhu kodzero dzavo kana kuti civic education panguva yesarudzo chete uye vati chakakosha ndechekuti vanhu vanofanira kugara vachidzidziswa zvisina kuti pane sarudzo here kana kuti kwete.

Vati izvi zvinoita kuti vanhu vazive zvakakoshera kuvhota uyewo zvinoita kuti vasamirire kuudzwa kuti vanyorese kunovhota kana kuudzwa kuti vandovhota.

Mukuru werimwe sangano rinoona nezvesarudzo reElection Resource Centre, VaTawanda Chimhinhi, vanoti vanobvumirana nemaonero aVa Zamchiya.

VaChimhini vatiwo sangano ravo rave kusandura mashandiro aro kuitira kuti ripe dzidziso nguva dzese kune veruzhinji maererano nezvekakoshera kuvhota pamwe nekusarudza vatungamiriri vavanoda.

Vati masangano akaita seravo akakwanisa kuita izvi kuZumbia nekuti komisheni inoona nezvesarudzo yakavapa mvumo yekuita izvi. VaChimhini vatiwo izvi hazviitike nyore nyore muno.

VaChimhini, VaZamchiya nevamwe vataura pamusangano uiyu vati Zimbabwe ine zvakawanda zvekudzidza kubva kuZambia iyo vati yakaita sarudzo dzakajeka.

VaChimhinhi vanoti zvidzidzo zvingatorwe neZimbabwe kubva kuZambia inyaya yegwaro revavhoti rinopihwa pachena kumapato ese anenge ari musarudzo pamwe nevanoongorora sarudzo, kusabhadharisa vatori venhau pamwe nevanoongorora sarudzo, uye kupihwa mukana kwevanhu wekupinda munzvimbo dzese dzinenge dzichivhoterwa.

Vatiwo zvakakosha kuti komisheni yesarudzo ishande pasina kupindira kwehurumende pamwe nekuti vashandi vehurumende kana mauto vasapindire munyaya dzesarudzo sezvaitwa muno apo mauto aitaura pachena kuti ainge asingazobvume kuti munhu asina kuenda kuhondo yerusununguko atonge nyika.

XS
SM
MD
LG