Accessibility links

Breaking News

Vechidiki Vopika Kurwira Kodzero Dzavo


Maureen Kademaunga
Maureen Kademaunga

Masangano evechidiki anorwira shanduko yehupenyu hwevanhu anoti ave kubatana mukurwisa hurumende yeZanu PF iyo anoti yawondonga nyika izvo zviri kukonzera kutambura kweveruzhinji.

Vachitaura pamusangano wavaita nevatori venhau muHarare neChipiri, masangano aya anoti havasi kuzoramba vakapeta maoko nyika ichiparara.

VaEvan Mawarire ve#ThisFlag vataura vakamirira masangano akasiya-siyana aya vanoti hupfumi hwenyika huri kuramba huchienda kumawere zvisinei nemari dzema bond notes idzo dzainzi nehurumende dzichabatsira kugadzirisa dambudziko remari munyika.

VaMawarire vanoti sevechidiki vanoona kuti mari yema bond notes iyi yawedzera matambudzo munyika huye haisi kuwanikwa.

Masangano evechidiki aya anotiwo anoda kuti mukuru webanga guru renyika, VaJohn Mangudya, vasiye basa sezvo vakavimbisa ruzhinji kuti ma bond notes akatadza kupedza dambudziko remari munyika, vanosiya basa.

VaMawarire vatiwo sevechidiki vawona zvakakodzera kubatana nekuti ramangwana renyika riri mumaoko avo.

VaMawarire vati vechidiki vari kuzorwisawo pfungwa iri kuiswa nehurumende yekutyisidzira ruzhinji kuti vanhu vasaishoropodza.

Muzvare Maureen Kademaunga vesangano re#SheVotes2018 vatiwo kubatana kwemasangano avo kuchavabetsera apo pavachatanga zvirongwa zvavo zvekuratidzira.

Muzvare Kademaunga vatiwo vechidiki vanofanirwa kuratidza nyunyuto dzavo nguva dzose pane kumirira sarudzo.

Kunyange hazvo hurumende ichiranga vazhinji vanoratidzira, Muzvare Kademaunga vati sevechidiki vari kurwira shanduko vazvipira kutungamirira ruzhinji kunyange hazvo zvine muripo wakaipa.

Masangano aya aitawo musangano wakafanana newavaita muHarare muguta reBulawayo.

Mamwe emasangano eshanduko aya avimbisa kuzoratidzira kuhurumende nenzira dzakasiya-siyana anosanganisira Bulawayo Youth Arise, #ThisGown, #Tajamuka/Sesijikile, #Zimbabwe Yadzoka/Mayibuye iZimbabwe, #Leave No Youth Behind, #Occupy Africa Unity Square nemamwewo.

please wait

No media source currently available

0:00 0:05:55 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG