Accessibility links

Breaking News

Vechidiki Vakawanda Vovhiringwa neHIV muGweru


Murongi wezvirongwa zveHIV/AIDS muguta reGweru, VaMurari Hwingiri, vanoti kunyange hazvo huwandu hwevanobatwa nehutachiona hweHIV huri kudzira, huwandu uhu huri kukwira kune vechidiki.

VaHwingwiri vati vana vari pakati pemakore gumi nemashanu kusvika pamakore makumi maviri nemana, ndivo vari kunyanyobatiwa neHIV.

VaHwingwiri vatiwo zvimwe zviri kukonzera kukwira kwehuwandu hwevechidiki vanobatwa neHIV, kudanana kwevechidiki ava nevanhu vakuru huye zvakare kuti pane dzimwe nguva vechidiki vanotya zvakanyanya kubata pamuviri pane kuzvidzivirira kuHIV/AIDS.

VaHwingwiri vatiwo mudunhu reGweru vanhu vanosvika zviuru makumi maviri nevashanu vave pachirongwa che Anti Retro Viral Therapy vakati huwandu uhwu hunoratidza kuti vanhu havachazezi kunoongororwa ropa pamwe nekumwa mapiritsi.

Bazi rezveutano rinoti vanhu vari kubatwa neHIV vanosvika zviuru makumi matatu nezviviripagore rega rega.

Zimbabwe, sedzimwe nyika pasi rose, inoti iri kurwisa kupedza dambudziko reHIV/AIDS panosvika gore ra2030.

please wait

No media source currently available

0:00 0:03:10 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG