Accessibility links

Breaking News

Vechidiki Vobatana Mukurwisa Mhirizhonga


Vechidiki kubva kumapato ezvematongerwo enyika vanoti vave kuzoshanda pamwe chete kupedza mhirizhonga munyika pamwe nekurwira kuti nyika iite sarudzo dzejekerere.

Pavaita musangano nevatori venhau muHarare, vechidiki vazvipira kushanda pamwe chete vanosanganisira vebato reMDC T Chamisa, Khupe, MDC inotungamirirwa naVaWelshman Ncube, Zanu PF, ZAPU, Transform Zimbabwe neNational People’s Party.

Vachitaura pamusangano uyu, munyori muboka revechidiki reMDC-T Chamisa, VaLovemore Chinoputsa, vati vechidiki vabatana pasi peJoint Youth Liason Committee chinangwa chavo hiri chekurwira sarudzo dzejekerere.

VaChinoputsa vatiwo vechidiki vanga vari kungoshandiswa mumapato ezvematongerwo enyika pamwe nekurwisaniswa, asi pasina chauviri chavanowana.

Vataura vakamirira sangano re Zimbabwe African People’s Union, VaFungai Mupanguri,vati sevechidiki vanoda kuvaka Zimbabwe itsva ine runyararo.

VaIan Shona Hamandishe vebato reNational People’s Party vatiwo zvakakosha kuti vechidiki vabatane sezvo zvinhu zvavanoda zviri zvimwe chete. VaHamandishe vatiwo vanoona sekuti vakataura nenzwi rimwe sevechidiki, vanogona kunzwika.

Vechidiki ava vanotiwo vari kutarisira kuramba vachibatana nemamwe mapato ezvematongerwo enyika.

Kunyange hazvo bato reZanu PF ranga risina mumiririri paitwa musangano nevatori venhau, vechidiki vanga varipo ava vati bato iri ranga richiuya kunhauriranwa dzavaiita.

Hatina kukwanisa kubata vechidiki muZanu PF kunzwa divi ravo panyaya iyi.

please wait

No media source currently available

0:00 0:04:18 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG