Accessibility links

Breaking News

Zimbabwe Yotarisana neNzara Mvura Ikasanaya Izvozvi


Zimbabwe yakatarisana nedambudziko renzara nekuda zvichitevera kusanaya zvakanaka kuri kuita mvura munzvimbo zhinji dziri munyika.

Gurukota rezvekurima, VaJoseph Made, vakaudza bepanhau reHerald kuti pari zvino zvirimwa zvizhinji zviri muminda hazvina kumira zvakanaka zvekuti mvura ikasanaya izvozvi pangangova nedambudziko guru renzara.

VaMade vanoti kushaikwa zvakare kwezvinhu zvakaita sema fetireza munzvimbo dziri kunaya kuchadzikisa zvikuru gohwo ringadai rawanikwa nevarimi munyika gore rino.

VaMade vanoti vachange vachipa gwaro rizere pamusoro pemamiriro akaita zvinhu munyaya dzegoho richawanikwa nenyika mumazuva mashoma ari kutevera.

Asi munyori wezvekurima mu MDC inotungamirirwa naVaTsvangirai, Va Vincent Gwaradzimba, vanoti nyaya yekushaikwa kwemvura handiyo yega iri kukonzera matambudziko munyaya dzekurima munyika.

XS
SM
MD
LG