Accessibility links

Breaking News

Zimbabwe Yopisa Zvakanyanya


Nezuro kunze kwakapisa zvakanyanya munyika zvisati zvaitika kubva muna 1962. Nezuro Lupane ndiyo yakapisisisa zvakanyanyaya - 42 degrees, Tsholotsho 39 degrees, Plumtree 38 degrees, Harare ne Rusape 35 degrees celcius

Bazi rinoona nezvemamiriro anenge akaita kunze, kana kuti Meteorology Services, rinoti nhasi kwapisisisa kudarika mapisiro akwakaita nezuro.

Nzvimbo dzakaita se Lupane, Chipinge ne Tsholotsho dzapisa kusvika pa 45 degrees celcius nhasi, izvo zvisati zvakamboitika munyika.

Nezuro kunze kwakapisa zvakanyanya munyika zvisati zvaitika kubva muna 1962. Nezuro Lupane ndiyo yakapisisisa zvakanyanyaya - 42 degrees, Tsholotsho 39 degrees, Plumtree 38 degrees, Harare ne Rusape 35 degrees celcius.

Mukuru webazi iri, Va Amos Makarau, vaudza Studio 7 kuti kupisa uku kuri kutarisirwa kuenderera mberi kwemazuva akati kuti.

Va Makarau vati bazi ravo riri kukurudzira vanhu kuti vazvichengetedze vachinwa mvura yakawanda, uye kugara mumimvuri.

XS
SM
MD
LG