Accessibility links

Breaking News

Zimbabwe Yonyorerana Zvibvurano neBotswana, Vanopikisa Vachiti Kutungana kweMbudzi


VaEmmerson Mnangagwa naVaMokgweetsi Masisi
VaEmmerson Mnangagwa naVaMokgweetsi Masisi

Zimbabwe neBotswana zvanyorerana zvibvumirano zvekudyidzana zvinomwe muguta reMaun pamusangano wapindwa nevatungamiri venyika mbiri idzi VaEmmerson Mnangagwa naVaMokgweetsi Masisi. VaMnangagwa vakasvika muBotswana nezuro vaine mamwe makurukota avo.

Misangano yakadai yeBi-National Commission yakatangira muHarare gore rapera apo VaMasisi vakaendawo kuZimbabwe.

Musangano uyu wakatanga nemusi weChipiri uchipindwa nemakurukota ehrumende dzenyika mbiri idzi.

Munyori mukuru mubazi rezvekuburitswa kwemashoko VaNick Mangwana vanoti nyika mbiri idzi dziri kudyidzana munyaya dzedzidzo, kutepfenyurwa kwenhau, hutano, kudzivirirwa kwenyika, nyaya dzemitemo nezvimwe.

Hurukuro naVaNick Mangwana
please wait

No media source currently available

0:00 0:02:37 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Asi mutevedzeri wemutauriri webato reMDC VaLuke Tamborinyoka vanoti zvibvumirano izvi kupedzera hoko padehwe retsindi. Vati vanhu vemuZimbabwe vari kuudzwa nezvezvibvumirano nenyika dzakaita seChina asi pasina chiri kubuda.

Mashoko aVaLuke Tamborinyoka
please wait

No media source currently available

0:00 0:00:43 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda


Facebook Forum

XS
SM
MD
LG