Accessibility links

Zimbabwe Yonetsana Zvakare neKimberley Process

  • Sandra Nyaira

Gurukota rezvezvicherwa, Va Obert Mpofu, vanoti Zimbabwe haisi kuzotambira zviri kukomekedzwa neKimberley Process

Zimbabwe inoti haisi kuzotambira danho riri kutorwa neKimberley Process, kana kuti KP rekuti chizvarwa cheBritain, Va Simon Gilberts, vave nhumwe yeKP munyaya dzemangoda ekwa Marange anenge achida kutengeswa.

VaGilberts vari kutarisirwa kutora chinzvimbo chaVa Abbey Chikane vekuSouth Africa vanova ndivo vanga vari nhumwe yeKimberley mu Zimbabwe.

Gurukota rezvezvicherwa, Va Obert Mpofu, vaudza Studio7 kuti Zimbabwe haisi kuzotambira Va Gilberts nekuti KP yavakushandiswa nenyika dzisiri kufara kuti hadzisi kuchera mangoda ekwa Marange.

VaMpofu vati KP inofanira kuramba ichishanda naVa Chikane nekuti ivo havawoni zvavari kutadza.

Mukuru weCentre for Research and Development kwaMutare, Va Farai Maguwu, vanoti Zimbabwe ine mvumo yekuramba munhu waisingadi kuti vashande naye.

XS
SM
MD
LG