Accessibility links

Breaking News

Zimbabwe Yokwirira Munyaya Dzemangoda


Mugwaro rayo KP inoti Zimbabwe yakachera mangoda anodarika mamiriyoni mazana matatu emadhora, kubva pamamiriyoni makumi maviri emadhora muna 2009

Sangano re Kimberley Process rinoti Zimbabwe yava nyika yechinomwe mukuchera nekutengeswa kwemangoda zvichitevera kupihwa mvumo yekutengesa mangoda ayo zviri pamutemo ne KP.

Mugwaro rayo KP inoti Zimbabwe yakachera mangoda anodarika mamiriyoni mazana matatu emadhora, kubva pamamiriyoni makumi maviri emadhora muna 2009.

Nyika dziri pamberi pe Zimbabwe mukuchera mangoda i Botswana, Russia, Canada, South Africa, Angola ne Namibia.

Sandra Nyaira we Studio 7 aita hurukuro naVa Farai Maguwu, mukuru wesangano re Centre for Research and Development ma Mutare, kuti tinzwe maonero avo pachinzvimbo cheZimbabwe munyaya dzemangoda.

Va Maguwu vati chinoshamisa kuti KP iri kuti Zimbabwe yava imwe nyika yedzishoma dziri pamusoro kuchera mangoda kasi vanhu munyika vasiri kuwona zvizhinji zviri kuchinja mumagariro avo, zvikuru vashandi vehurumende.

XS
SM
MD
LG