Accessibility links

Breaking News

Zimbabwe Yokurukura Zviri Kuitika kuEgypt


Tens of thousands of Egyptian protesters gather at Tahrir square in Cairo, Egypt, Sunday, Jan. 30, 2011
Tens of thousands of Egyptian protesters gather at Tahrir square in Cairo, Egypt, Sunday, Jan. 30, 2011

Vanhu pasi rose, kusanganisirawo zvizvarwa zvemuZimbabwe, vari kutevera mhirizhonga yezvematongerwo enyika iri kuitika ku Egypt.

Zviuru nezviuru zvevanhu zviri kuratidzira zvichiti mutungamiri wenyika iyi, VaHosini Mubarak, vasiye basa. Vanhu vemu Egypt vava nemazuva manomwe vachiratidzira kusafara kwavo nehutongi hwaVaMubarak, avo vanonzi vari kutyora kodzero dzezvizvarwa zvenyika iyi.

Kunyange hazvo mutungamiri wenyika, VaRobert Mugabe, vasina kunyatsobuda pachena kuti vanofungei nezviri kuitika kuEgypt, mutungamiri wehurumende, VaMorgan Tsvangirai, vakayambira kuti zviri kuitika kuEgypt zvinogona kuitika muZimbabwe nekuti zviri kudiwa nevanhu vemuEgypt vachizvishaya, ndizvo zviri kudiwawo nevanhu vemuZimbabwe.

America neBritain dzinoti VaMubarak vanofanirwa kuzadzisa zvavakavimbisa vanhu vemunyika iyi. America inoti hurumende inofanirwa kusiya vanhu vari kuratidzira vachiratidzira muranyararo. Nyika iyi inotiwo iri kuzeya rubatsiro rwayinopa Egypt, iyo inowana $1,3 billion semari yerubatsiro pagore.

Mukuru wesangano reYouth Democracy Intitiative for Zimbabwe, VaSidney Chisi, vanoti zviri kuitika muEgypt zvinonetsa kuti zviitikewo muZimbabwe nokuti muZimbabwe mune hurumende yemubatanidzwa, uye VaTsvangirai pachavo, mumwe wevakuru muhurumende iyi.

XS
SM
MD
LG