Accessibility links

Breaking News

Zimbabwe Yoenderera Mberi Nekuda Kurima Mbanje Pasina Tsvakiridzo yeKuti Inobatsira


Mbanje
Mbanje

Imwe nyanzvi munyaya dzekugadzirwa kwemishona mubazi rezvehutano inoti Zimbabwe hasati yaita tsvagiridzo inoburitsa humbowo hwunoratidza kuti mbanje inogona kushandiswa semushonga unogona kurapa zvirwere zvakasiyana siyana kunyange hazvo hurumende yakadzika mutemo unobvumidza kurimwa kwembanje yekugadzirisa mishonga yakasiyana siyana.

Mukuru anoona nezvekugadzirwa kwemishonga mubazi rehutano, Amai Ropafadzai Hove, vanoti Zimbabwe haisati yaita tsagiridzo inoburitsa pachena kuti mbanje inoshanda semushonga wokurapa zvirwere zvakasiyana siyana, kunyange hazvo mbanje yava kubvumidzwa kurimwa zviri pamutemo nevanhu vanenge vapihwa marezenisi ekuita izvi.

Amai Hove vanoti mutemo uripo unoti mbanje iyi inotanga yaitwa mishonga yemafuta nemapiritsi yotengeserwa nyika dzine mitemo inobvumidza kushandisa mbanje semushonga, kwete kuitengesa muZimbabwe.

Amai Hove vanoti hurumende haisi kubvumidza munhu wese wese kuti arime mbanje sezvo ichityira kuti inoguma yoshandiswa zvisiri pamutemo.

Amai Hove vanoti kuti munhu apihwe rezenisi rekurima mbanje, anofanirwa kutanga aratidza humbowo hwekuti kune makambani ekunze kwenyika anoda kutenga mishonga inogadzirwa kubva mumbanje.

Imwe nyanzvi munyaya dzembanje, Dr Zorodzai Maroveke, vanoti danho rehurumende rekupa vanhu marezenisi harisi kutambirwa nevakawanda vagara vachishandisa mbanje muchivanhu semushonga unorapa. Doctor Maroveke vanoti mbanje yagara ichishandiswa munyika chirungu chisati chauya.

Asi Dr Maroveke vanoti kunyange hazvo Zimbabwe iri kuomesa musoro panyaya yekuisa mitemo yembanje iyi, kune vamwe vari kutenga mishonga iyi zvisiri pamutemo kunze kwekunze izvo zviri kupa kuti nyika irasikirwe nemari yakawanda inofanirwa kuge ichivaka hupfumi hwenyika, dai Zimbabwe ichibvumidza kuti mishonga iyi itengeswe munyika.

Nyika dzakawanda dzakabudirira, kusanganisira America, dziri kushandisa mushonga unogadzirwa kubva mumbanje mukurapa marwadzo nezvimwe zvirwere zvinobata mitezo.

Sangano reU.S. National Academies of Sciencies rakatambira makore maviri apfuura kuti ichokwadi kuti mishonga inobva mumbanje inogona zvikuru kupedza marwadzo muvanhu vakuru.

Kambani yeWaters Corp yekuAmerica inonzi yakapa bazi rehutano mushina unokosha madhora ekuAmerica zviuru mazana mashanu, munguva pfupi yapfuura. Mushina uyu uchashandiswa pakugadzirwa mishonga yembanje uye mukuita ongororo yemishonga yakasiyana siyana muZimbabwe.

Pamusangano wakaitirwa kuVictoria Falls gore rino, nyanzvi dzakabva kuLiberia, Rwanda, Uganda nedzimwe nyika dzemuAfrica, dzakaratidza chido chekuda kunzwisisa mashandiro anoita mbanje semushonga.

Gurukota rezvekuburitswa kwemashoko, Amai Monica Mutsvangwa, vakazivisa kutanga kwemwedzi uno kuti Zimbabwe ichavandudza mitemo inorambidza kurimwa kwembanje, kuitira kuti vanhu nemakambani ari kupihwa marezenisi, vachitanga kurima mbanje iyi zviri pamutemo.

Pari zvino munhu anorima mbanje, kana kuwanikwa ainayo, anogona kutongerwa kugara mujeri kwemakore anosvika gumi nemaviri.

please wait
Embed

No media source currently available

0:00 0:07:02 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG