Vamwe vagari vemuChinhoyi vanoti vanonoka kutenga zvinhu zvekisimusi nekuda kwekusawana mari nenguva uye vamwe vanga vasina nguva nekuda kwemabasa panguva iyo vakawanda vari kushaya mari kumabhangi.
Vamwe vagari ava vanoti vakanonoka kuwana mari sezvo vanga vasati vatambira mari dzavo dzemihoro.
Mumwe mushandi wehurumende uyo anoshanda mubazi rezvemigwagwa, VaAnanias Jemedza, vanoti vanga vasati vatambira sezvo mari yavo yazoratidza kuti yapinda mubhanga ravo.
VaJemedza vanoti nekuda kwekuti vashandi vehurumende vakawanda vatambira muzvitoro makazara uye mitsetse yekumabhangi yakakura.
Mumwe mugari, VaChristopher Zembe, avo vatenga zvekudya zvemhuri yavo vanoti vakatadza kutenga zvinhu zvekisimusi zvemhuri yavo sezvo vainge vari kubasa.
VaZembe vanoti vapihwa mukana wekutenga sezvo vachazodzoka kubasa musiwa 27 Zvita.
VaJemedza vanoti gore rino zvinhu zviri nani sezvo mari dzavo dzauya vasati vatamba kisimusi uye vachiwana mari dzavo kumabhangi kunyange vari kupihwa madhora makumi mashanu pazuva chete.
VaJemedza vanoti ane ganda ane nyama hazvienzane neasina.
Zvichakadaro, muChinhoyi manga muine mitsetse yakakura pamabhangi akawanda vanhu vachida kutora mari dzavo.
Mabhangi akawanda anga achipa vanhu mari inoita madhora makumi mashanu kunyange vakawanda vachti ishoma kushandisa pazororo rekisimusi.
VaMacdonald Muzuva vanoti nyaya yemari idambudziko riri kurwadza sezvo vapihwa madhora makumi maviri kubhanga reCBZ.
VaMuzuva vanoti vaifanirwa kunge vachienda kumusha asi vachatadza nekushaya mari sezvo vedzimotokari vari kuramba kuti vafambi vashandise Ecocash mukubhadhara.
Zvitoro zvakawanda zvinotengesa zvekudya zvakaita seOK neTM zvanga zvakazara nevatengi vanga vachishandisa makadhi kubhadhara asi vatengi vanoti zvinhu zvavo zviri kudhura kudarika kutenga nemari chaiyo.
Vamwe vagari vakatumirwa mari nehama neshamwari dziri kunze kwenyika kuburikidza nemakabhani akaita seMukuru vatadza kuwana mari dzavo vachinzi hapana mari.
Facebook Forum