Accessibility links

Breaking News

Madzimai Anoshaya Okumbira Rubatsiro Kuti Vakwanise Kuronga Mhuri


píldoras anticonceptivas
píldoras anticonceptivas

Apo hupfumi hwenyika huri kuramba huchienda kumawere, madzimai akawanda anoti ari kunetseka zvikuru kuti aronge mhuri dzavo zvakanaka nepamusana pekutadza kuwana mari inodiwa.

Mashoko aya akabuda nguva pfupi yapfuura apo madzimaia akaungana muHarare pasi pechirongwa cheUnited Nations Population Fund, UNFPA, yakabatana nehurumende.

Madzimai aibva kumativi akasiyana-siyana akaungana muAfrica Unit Square svondo rapera uko kwaipiwa pachena zveutano zvakaita sekuronga mhuri, kuongororwa ropa pamwe nekutariswa gomarara rechibereko.

Mumwe wemadzimai akawana rubatsiro rwekuronga mhuri pachena ndi Amai Grace Maketo vanogara kuBudiriro.

Amai Maketo vanoti kunyange zvavo vave nenguva vachidawo chirongwa chekuronga mhuri chinopedza makore cheJadelle vanga vasingakwanisi sezvo makirinika ari pedyo navo mumusha weBudiriro vachibhadharisa mari yekuisa Jadelle.

Amai Maketo vanoti zvirongwa zvepachena zvinoitwa neUNFPA nemamwe masangano zvinobatsira madzimai akawanda .

Jadelle ikaiswa inogona kudzivirira kuti mudzimai asabate nhumbu kwemakore anosvika mashanu.

Mumwe wemadzimai vaiiswa imwe nzira yekuronga mhuri yeIntrauterine Contraceptive Device ichizivikanwawo nekunzi Loop, Amai Chido Madziya, vanoti madzimai mazhinji ari kukundikana kuwana mari dzekuronga mhuri nenzira dzinopedza nguva ndefu.

Mumwe wemadzimai akabva kuRuwa, Amai Linnet Kwashi, vanoshandisa mapiritsi pakuronga mhuri nekuti ane mutengo uri nani pane dzimwe nzira.

Asi chido chavo ndechekushandisa hurongwa hwavasingatori nguva nenguva sezvo pamapititsi ari nyore kukanganwa kuamwa.

Mumwe mudzimai wechidiki akada kuzivikanwa nezita rekuti Ruvarashe anoti shuviro yake ndeyekuti nyaya dzekuronga mhuri dziitwe pachena sezvo vanhu vasina mari.

Ruvarashe anoti madzimai mazhinji anorarama nemabasa emaoko ayo asingavapii mari yakawanda.

Kuiswa Jadelle kunoda gumi remadhora. Kubviswa Jadelle kunodawo gumi remadhora. Madzimai anoti mari iyi imari yakawanda zvikuru

Mumwe mushandi wekuZimbabwe National Family Planning Council, VaDennis Mhlambo, vanobvumawo kuti nekuoma kwehupenyu, vamwe vanhukadzi vanotadza kushandisa nzira dzavanoda dzekuronga mhuri.

Pamusoro peJadelle neLoop, dzimwe nzira dzekudzivirira pamuviri kwenguva yakareba i Implanon inogona kuita makore matatu neDepo Provera inoita mwedzi mitatu.

Nzira dzekudzivirira pamuviri dzinoda kushandiswa zuva nezuva dzinosanganisira mapiritsi nemakondomu.

please wait

No media source currently available

0:00 0:06:12 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG