Accessibility links

Breaking News

Madzimai ekuHwande Oratidzira muHarare Achinyunyuta kuHurumende


Hwange Colliery Company Logo

Madzimai evashandi vekuHwange Colliery vari kuronga kuratidzira neChina muHarare vachinyunyuta nekusapindira kwehurumende mukugadzirisa matambudziko akatarisana nevashandi vepakambani inoshandira varume vavo.

Madzimai ekuHwange ave nemazuva anodarika zana achiratidzira senzira yekutsutsuma kusabhadharwa kwevarume vavo kwemakore mashanu apfuura.

Kuratidzira uku kuchange kuchitsigirwa nesangano reZimbabwe Coalition on Debt and Development.

Muzvare Janet Zhou, avo vanoshanda nesangano reZimbabwe Coalition on Debt and Development, vati vacharatidzira serutsigiro kumadzimai ekuHwange, uye kuti hurumende ione kuti pane dambudziko rinoda kugadzirwa.

Imwe nhengo yekomiti yeparamende inoona nezvezvicherwa, Amai Fanny Chirisa, vatiwo zvinosuwisa kuti hurumende haisi kubuda pachena panyaya yekusabhadharwa kwevashandi vepakambani iyi, kunyange hazvo hurumende ine zvikamu zvakawanda zvehupfumi mukambani iyi.

Sachigaro wekomiti inoona nezvemadzimai, Amai Priscilla Misihairambwi Mushonga, vanotiwo semadzimai ari mudare reparamende vanofanirwa kunyara nekuregerera madzimai aya achiratidzira kwenguva ndefu vasina kupindira munyaya iyi.

Kambani yeHwange Colliery inonzi ine mari dzeveshandi dzinopfuura mamiriyoni makumi manomwe emadhora.

Vachibvunzwa mudare reparamende nezvemadzimai ari kuratidzira aya kuHwange Colliery, gurukota rezvevashandi, Amai Petronella Kagonye, vati madzimai aya ari kushandiswa nevanhu vari mune zvematongerwo enyika.

Amai Kagonye vati sehurumende vakagadzirisa nyaya dzezvevashandi.

please wait

No media source currently available

0:00 0:03:15 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG