Accessibility links

Breaking News

Madzimai Ofarira Hutongo hweAmerica


Trump Inauguration

Madzimai emuZimbabwe anoti ari kuyemura zvikuru kuratidzira kuri kuitwa kuAmerica kuchitungamirwa nemadzimai achinyunyuta nekugadzwa kwemutungamiri mutsva wenyika iyi, VaDonald Trump.

Amai Laina Moyo, avo vanogara muHarare, vati kunyange zvavo vasingafariri hutungamiri hwaVaTrump, vati kuregedza vasingavafariri VaTrump vachiratidzira muAmerica kunoratidza hutongo hwejekerere huri munyika iyi.

Izvi zvatsigirwa naMuzvare Chipo Gonye avo vakurudzirawo mutungamiriri weAmerica mutsva kuti aremekedze vanhukadzi.

Muzvare Gonye vatiwo vanoshuvira kuti vanhukadzi vemuZimbabwe vawaniswawo mukana wekuratidzira kuhutungamiriri hweZimbabwe kana vaine zvinyunyuto.

Mumwe mudzimai wechidiki, Muzvare Faith Ndlovu, vanoti vari kuyemura zvikuru kupanana kwemasimba kunoitwa nevatungamiriri veAmerica vakati vanoshuvirawo kuti dai zvaiitikawo mudunhu reAfrica.

Muzvare Ndlovu vati shuviro yavo ndeyekuti dai VaTrump vaendererawo mberi nekusimudzira vechidiki muAfrica.

Munyaya dzekudyidzana kweZimbabwe neAmerica zvichitevera hutungamiriri hwaVaTrump, mumwe mukadzi wechidiki muHarare ada kuzivikanwa nezita rekuti Moreblessing ati maonero ake ndeekuti kunyange hazvo hutungamiriri hweAmerica hwachinja, hukama hwenyika iyi neZimbabwe hucharamba hwuchitatarika.

Veruzhinji muZimbabwe vanoti kunyange hazvo VaTrump vasina zvizhinji zvavati vataura pamusoro peAfrica, havana kugadzikana negwara richatorwa naVaTrump kunyika dzakaita seZimbabwe.

please wait

No media source currently available

0:00 0:03:58 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

XS
SM
MD
LG