Accessibility links

Vanhukadzi Vochema Chema neMhirizhonga Iri Kuwedzera Mudzimba


Zivai Makanda from the Zimbabwe Girls Legacy says high figures of children that got married this year made her organization think less about the 16-days of activism against gender-based violence which started on Friday, Harare, Zimbabwe, Nov. 2016. (S.Mho

Vanorwira kodzero dzemadzimai vanoti kushungurudzwa kwevanhukadzi kuri kuramba kuchiwedzera kunyange hazvo hurumende yakaisa mutemo weDomestic Violence Act.

Mutemo uyu wakatanga kushanda muna 2007.

Vanotungamirira rimwe remasangano akazvimiririra rinobatsira madzimai anenge ashungurudzwa , re Musasa Project, Amai Natty Musanhu, vanoti kuondomoka kwehupfumi munyika ndechimwe chezvikonzero zvavanoti zviri kuwedzera kushungurudzwa kwevanhukadzi.

Amai Musanhu vanotiwo vanotarisirwa kupedza dambudziko remhirizhonga vakaita semapurisa, mudzimwe nzvimbo, vari kure nemadzimai. Vanotiwo matare, dzimwe nguva, haasi kukoshesa nyaya dzemhirizhonga.

Muzvare Glanis Changachirere, avo vanoshanda nesangano reInstitute for Young Women Development, vanotsigirawo mashoko Amai Musanhu vachiti dambudziko rekushungurudzwa kwemadzimai munyika riri kukura.

Muzvare Changachirere vari kukurudzira kuti mapazi ehurumende asimbaradzwe pamwe nekudzidziswa kuti dambudziko iri ridzike.

Mumwe wemadzimai akashungurudzwa ari kubatsirwa neMusasa asina kuda kudomwa nezitasezvo anoti airohwa zvakaipisisa iye akazvitakura.

Vanorwirwa kodzero dzemadzimai vanotiwo kunyange hazvo kune varume vari kushungurudzwa, madzimai nevanasikana vari kushungurudzwa ndivo vakanyanya.

Vanorwira kodzero ava vanotiwo ibasa remunhu wese munyika kupedza mhirizhonga.

Kunyange hazvo paine mutemo unoranga vanoita zvemhirizhonga, mutemo uyu haisi kushandiswa nemazvo nepamusana pezvipingaidzo zvakasiyana siyana.

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG