Accessibility links

Vakarwa muhondo yerusununguko vanoti chirongwa chehupfumi chehurumende cheZimbabwe Agenda for Sustainable Socio-Economic Transformation, kana kuti ZimAsset, hachina pundutso yachaita munyika.

Vatiwo kunyange hazvo mutungamiri wenyika, VaRobert Mugabe, vari kuvatsika konzi, vacharamba vachivaremekedza semunyarikani wesangano ravo re Zimbabwe National War Veterans Association.

Nhengo dzesangano iri dzinoti chirongwa cheZimAsset chaitarisirwa pachakaparurwa muna 2013 kupedza hurombo munyika, kuumba mabasa, kuvandudza mararamiro evanhu, kuitira kuti munyika muite kudya kwakakwana, kugadzirwa kwezvivakwa, migwagwa mabhiriji nezvimwewo.

Vachitaura pamusangano wavaita nhasi muHarare, saachigaro wevakarwa muhondo yerusununguko, VaChristopher Mutsvangwa, vati chirongwa cheZim Asset hachitengeseki kumisika yemari.

VaMutsvangwa vati chirongwa ichi chakangonyorwa pasina pfungwa dzana vanamuzvinabhizimusi vane ruzivo rwekuti hupfumi hwenyika hungavandudzwe sei.

VaMutsvangwa, avo vakadzingwa muhurumende pamwe nemubato reZanu PF zvichitevera makakatanwa ari mubasa, vatiwo kunyange hazvo nhengo dzavo dzisiri kudyidzana nebato reZanu PF, vati vacharegera VaMugabe varambe vari munyarikani wesangano ravo.

Vachibvunzurudzwa neStudio 7 kuti vachatsigira VaMugabe here musarudzo dza2018, VaMutsvangwa vanzvenga mubvunzo vakati murwiri werusununguko wega wega ane kodzero yekuvhotera munhu waanoda.

Munyori mukuru musangano revaimbove varwiri verusununguko, VaVictor Matemadanda, varambawo mashoko ekuti kuti sangano ravo riri kuda kutanga bato rezvematongerwo enyika.

Vatiwo zvakare hapana hurongwa hwekuti vabatane nemapato anopikisa aripo.

Zvinhu hazvina kumira zvakanaka muZanu PF zvichitevera kunetsana kwemhando yepamusoro pakati pezvikwata zviviri zvinoti Generation 40 ne Team Lacoste, izvo zviri kurwira kutora masimba kana VaMugabe vasisiri pachigaro.

Kurwira masimba uku ndiko kwakapa kuti VaMutsvangwa, avo vanonzi vanotsigira chikwata chiri kutsigira VaEmmerson Mnangagwa che Team Lacoste, vadzingwe muhurumende.

Izvi zvakaitika sezvo Generation 40 ichinzi yaipaka mashoko kumudzimai wemutungamiri wenyika, Amai Grace Mugabe, avo vanonzi vanoteererwa zvikuru nemurume wavo pane zvose zvavanenge vataura.

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG