WASHINGTON —
Mamwe masabhuku ekuMasvingo anoti ichokwadi kuti ari kumanikidzwa nemakanzura eZanu-PF kuenda nevanhu vavo kunonyoresa uye kutora ma ‘serial numbers’ ari pamapepa okunyoresa.
Masabhuku aya anotiwo makanzura aya ari kutyisidzira vanhu kuti vachaziva munhu wavanenge vavhotera musarudzo gore rinouya.
Masabhuku maviri ataura neStudio7 asina kuda kudomwa mazita awo anoti zvakakosha kuti pave nehurongwa hwekuudza vanhu vari kumaruwa kuti vasatyisidzirwa sezvo mishina iri kushandiswa kunyoresa mazita evanhu isingakwanisi kuziva kuti munhu avhotera ani sezviri kutaurwa nevezvematongerwo enyika.
Masabhuku ekuZaka maviri aya haana kuda kubuda pachena sezvo ari kutyira hupenyu hwavo.
Facebook Forum