Accessibility links

Breaking News

Misoro yeNhau, China, Mbudzi 30, 2017


Misoro yeNhau

Vakuru venhepfenyuro dzematunhu vanoungana muHarare vachiti hurumende itsva inofanirwa kuvapa marezenisi, uye mitemo inombunyikidza kuburitswa kwemashoko ibviswe.

Mapato anopikisa anoti ari kushanda zvakasimba kuitita kuti vanhu vanyorese vakawanda.

MDC inotungamirwa naVaMorgan Tsvangirai inoti hachisi chokwadi kuti pane kutaurirana kuripo pakati paVaTsvangirai nemutungamiri wenyika, VaEmmerson Mnangagwa.

Muchirongwa cheWomen’s RoundTable na 8pm, tiri kutarisa zviri kuitika muZimbabwe takanangana nevanhukadzi.

Kana muchida kupinda muchirongwa ichi, kanawo kutumira mashoko kuStudio7, shandisai WhatsApp panhamba dzinoti 001 202 465 0318…

Vanoda kuteerera Studio7, tibateyi na7pm pamasaisai anoti 909 am 4930; 13860, ne 15460 Kilohertz paShortwave mazuva ose.

Musakanganwa kutifarira paFacebook peji redu re VOA Shona.

Kurudzirai hama neshamwari kuti dzitifarire paFacebook yedu. Endai pa link iyi: https://www.facebook.com/voa.shona/

Misoro yeNhau, China, Mbudzi 30, 2017
please wait

No media source currently available

0:00 0:01:17 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG