Accessibility links

Breaking News

Vanhu Vanoshanyira Mapako eChinhoyi Caves


Chinhoyi caves
Chinhoyi caves

Vanhu vakawanda vashanyira mapako emuChinhoyi kudarika mamwe mazuva ezororo.

Vakawanda vevanhu vapinda mumapako ane mukurumbira wepasi rose vagari vemunyika, kwete vanhu vekunze kwenyika.

Vanhu vabvakachira mapako emuChinhoyi vanga vachiita zvakasiyana siyana zvinosanganisira kuona dziva riri mumapako rinonzi Fallen Pool iro rinonzi rinoera, kushambira pamwe nekufara vachigocha nyama nekudya twunonaka.

Mumwe wevashanyira nzvimbo iyi nhasi ndiAmai Benhilda Svosve avo vanobva kuKadoma.

Amai Svosve vanoti vasarudza kubvakachira mapako emuChinhoyi nekuti kune nzvimbo yakakura yekuti vana vanotamba vakasununguka.

Amai Svosve vanoti mapako eChinhoyi ane nhoroondo inodzidziswa muzvikoro zvekuti mwana wavo musikana aona zvaakadzidza kuchikoro.

Mumwe abvakachira nzvimbo iyi mudzimai anoda kudanwa kunzi Amai Cleopatra. Amai Cleopatra vanoti kunyange zvinhu zvakaoma mari isingakwane, vanoti vakazvipira kuti vaende kuzororo kunofara nemhuri yavo.

Mumwe wechidiki uyo anga achishambira muduhwino riri pamapako eChinhoyi, VaVincent Nyengerai, vanoti vakwanisa kuenda kunoona mapako eChinhoyi kubva kwaMutare sezvo vaichengeta mari iyi zvishoma nezvishoma gore rose.

VaMacdonald Chirenje vanoti vafarawo kuti mari yekupinda kunoona mapako yanga yakadzika zvanga zvichikwanisika.

Bazi reZimbabwe Parks and Wildlife ranga rakadzikisa mari yekuona mapako kubva pamadhora mashanu kusvika pamadhora matatu uye mari yekushambira kubva pamadhora matatu kusvika pamadhora maviri kana munhu ari mukuru.

Vana vanga vachibhadhara dhora rimwechete kushambira uye rimwe dhora kuona mapako.

Mukuru anoona nezvemapako eChinhoyi vachishanda nebazi reZimbabwe Parks and Wildlife, VaJohannes Munetsi, vanoti vanofara kuti nzvimbo yavo iri kukwanisa kukwezva vanhu vemunyika.

VaMunetsi vanoti zvakakosha kuti vatange kufadza vanhu vemunyika kutanga vozotevera vekunze sezvo vakawandisa.

please wait

No media source currently available

0:00 0:03:15 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG