Accessibility links

Breaking News

Vedzimotokari muChinhoyi Vopomera Vashandi veVID Huwori paMigwagwa


Vedzimotokari vanonzi vari kupomera veboka reVID mhosva yekuita zvehuwori pamigwagwa
Vedzimotokari vanonzi vari kupomera veboka reVID mhosva yekuita zvehuwori pamigwagwa

Vedzimotokari pamwe nevanotakura vafambi nedzimotokari diki dzino zivikanwa nezita rekuti “tsviriyo”, vari kupomera vashandi veVehicle Inspection Department kana kuti VID, mhosva yekuita zvechioko muhomwe izvo vanoti zvaiitwa nemapurisa mumigwagwa.

Vatyairi vedzimotokari ava vanoti vari kumanikidzwa kubhadhara mari inoita madhora mashanu kuti vakwanise kufamba mumigwagwa vasingatorerwe motokari dzavo vachinzi havana mapepa akakwana.

Vatyairi ava vanoti zviri kuitika izvi hazvina kusiyana nemazuva akare apo mapurisa aipomerwa mhosva yekuita zvehuori vachibhadhariva vemichovha mari dzakawanda.

Mumwe mutyairi wemota diki anotakura vafambi pakati peChinhoyi neBanket VaChristopher Magureyi vanoti veVID ava havavashaire mhosva pamotokari dzavo.

VaMagureyi vanoti vashandi veVID vave kuomesera vanhu mumigwagwa kudarika mapurisa sezvo vachitora motokari izvo zvinozovadhurira kuitora.

Mumwe mutyairi wemotokari diki anoda kuzivikanwa nezita rekuti Lazarus anotakura vafambi pakati peChinhoyi neMhangura anoti vashandi veVID havasi kubuda pachena kuti vari kuda mari nekudaro vanotora motokari kuti munhu avape mari kuti motokari yake isatorwe.

Vashandi veVID vanonzi vari kushungurudzawo vanhu vanenge vaine motokari dzavo dzinenge dzisina kutakura vanhu.

VaShame Nyakudya avo vanorima pedyo neChinhoyi mumwe wevakatorerwa motokari yavo asi vachiti hapana mhosva yavakapara. VaNyakudya vanotsanangura mabatirwo avakaitwa.

Asi mukuru weVID muChinhoyi, VaJohn Makaza, vanoti havakwanise kurambira munhu asi vanoti kana pane munhu ane humbowo hwekuti mushandi wavo ari kuita zvechioko muhomwe anofanira kuzomhan’ara kumahofisi avo kuti vamusungise.

Chimwe chinonzi chiri kurwadza vedzimotokari ndechekuti vashandi veVID vari kungotora motokari vachienda nadzo kumahofisi kwavo kuti vadziongorore izvo zvinobhadharwa mari madhora makumi maviri.

Vakawanda vanoona danho iri sekutsvaga mari kwebazi iri. Huori hwevashandi veVID hunonzi hwatekeshera nenyika yose zvekuti gurukota rezvemigwagwa VaJorum Gumbo vakazivisa paramende svondo rapera kuti vashandi makumi mashanu nevana vakatodzingwa basa.

please wait

No media source currently available

0:00 0:04:37 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG