Accessibility links

Breaking News

Vanotengesa Mumigwagwa Vopika Kunyoresa Kuvhota Rwendo Rwuno


Vanotengesa zvinhu zvavo mumigwagwa vaungana muguta reHarare neChipiri vachidzidziswa zvakakoshera kunyoresa pamwe nekuzovhota musarudzo dziri kutarisirwa gore rino.

Kunyange hazvo kwasara mazuva maviri chete kuti kunyoresa kwechimbi-chimbi kupere, mukuru werimwe remasangano anovamiririra reVendors Intiative for Social and Economic Transformation (VISET), VaSamuel Wadzanai, vati donzvo ravo nderekuti nhengo dzavo dzinyorese dzakawanda kunyange kana chirongwa chechimbi chimbi chapera.

VaWadzanai vaudza Studio7 kuti nhengo dzavo zhinji dzanga dzisina kunyoresa kuvhota vakati izvi zvanga zvakanyanya kudivi renhengo dzavo vanorarama nehurema kusanganisira vasingatauri nekunzwaavo vavati vanga vachikundikana kuwana ruzivo

Mumwe wevatengesi vanga vari pamusangano uyu, VaStalin Mazvimba, vatenda chirongwa cheVISET ichi vakati chavapawo mukana wekuti vanyorese kuwana chimwe chitupa kuti vagokwanisa kunonyoresa kuvhota. VaMazvimba vatiwo ruzivo rwavawana vachanopawo vamwe vavanotengesa navo vasina kuuya pamusangano uyu.

VaDavid Jonga avo vasati vanyoresa vatiwo musangano uyu wavabatsira kuti vanzwisise kuti gore rino kune mukana wekuti paitwe sarudzo dzejekerere vakati izvi zvavapawo shungu yekuti naivowo mangwana vanonyoresa kuzovhota.

Amai Vena Kuzvidza avo vanoti vange vagara vakanyoresa kuzovhota, vati musangano wavaita nhasi wavabatsira nekuziva zvakakoshera Biometric Voter Registration, uye kudzikisa kwaichaita kuti munhu mumwe avhote kakawanda wanda.

Sangano reVISET rinoti richaramba richienderera mberi nemisangano yekukurudzira kunyoresa kuvhota munzvimbo dzakasiyana siyana kuitira kuti nhengo dzavo dzikwanisewo kuwana mikana yekusarudza vatungamiri vavanoda.

please wait

No media source currently available

0:00 0:05:26 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG