Accessibility links

Vanotengesera Mumigwagwa Vodyira Hurumende Marasha


Vanotengesera mumigwagwa havachada zvekutandaniswa nemapurisa

Vanoita basa rekutengesa mumigwagwa nevanoita mabasa emaoko vaenderera mberi nemusangano wavo pachechi yeAnglican muHarare zvisinei nechaunga chemapurisa vamwe vacho vanga vakapakatira pfuti, uye vamboda kurambidza vanhu ava kuita musangano uyu.

Vanhu ava vaungana kuti vazeye matanho avangatora mushure mekudzingwa mudhorobha nekanzuru yeHarare ichibatsirwa nemapurisa eZRP izvo zvavanoti zvasiya mhuri zhinji dzichinhonga svosve nemuromo.

Vamhu ava vashoropodza zvikuru kurohwa kwavati vari kuitwa nemapurisa pamwe nekutorerwa zvavanenge vachitengesa.

Vatengesi vati vakaramba vachishungurudzwa vanoda kuti vese vanobata mabasa emaoko vabatane pamwe chete voenda kubazi rehurumende rine chiga chekubatsira vanotambura.

Mumwe mutengesi asina kuda kudomwa nezita ati kana vachitadziswa kuzvichengeta, hurumende inofanirwa kuvachengeta.

Vanhu ava varatidza hasha uye vayambirawo mapurisa kuti vakaramba vachivarova vachaitawo chirwirangwe sezvo vaine kodzero dzavo semunhu wese.

Amai Chipo Magwizi vati vatengesi vemumigwagwa vanofanirwa kubatana vorwisawo vanenge vachivarwisa.

Mumwe mugare wemuHarare, Amai Vaida Nhemachena, vatiwo kunyange hazvo vari kushungurudzwa havasi kuzobuda mudhorobha kusvika kanzuru yeHarare yavapa kwekutengesera kune vanhu.

Vatiwo mwedzi uno zvakavaomera zvikuru sezvo vasina bhizimusi ravakaita nekuda kwekudzingwa nemapurisa.

Sachigaro weNational Vendors Union of Zimbabwe, VaStendrick Zvorwadza, vatiwo vanodawo kutaura nemutungamiriri wenyika kuti vanzwisise kuti mutungamiri wenyika, VaRobert Mugabe, ndivo vari kutuma mapurisa here kuti varove vatengesi vemumigwagwa.

Vati vapa VaMugabe masvondo maviri chete kuti vakurukure nevanoita mabasa emaoko.

VaZvorwadza vashoropodzawo mapurisa nekumboda kumisa musangano wavo izvo zvaita kuti vanonoke kutanga.

VaZvorwadza vati mapurisa haana simba rekupa mvumo kana kurambidza misangano asi vanongofanira kuziviswa chete pasi pemutemo wePublic Order and Security Act.

Pave nemasvondo matatu vanotengesa mumigwagwa vachiita hwagonzo nakiti nemapurisa eZRP pamwe neekanzuru, ayo ari kuvabvisa mumigwagwa nechisimba.

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG