Accessibility links

Breaking News

Vanotengesa Mumigwagwa Vochema neKanzuru yaVaManyenyeni


VaBernard Manyenyeni
VaBernard Manyenyeni

Vanotengesa zvinhu mumigwagwa vari kushora zvikuru kanzuru yeHarare nekukwidzira mutero vanotengesa muguta nemusi weMugovera neSvondo panguva iyo vanoti mari iri kunetsa zvakanyanya zvokonzera kuderera kwebhizimusi.

Kanzuru yakakwidza mutero wekuti munhu atengese mukupera kwesvondo kubva padhora rimwechete nemasendi makumi maviri nemashanu kusvika pamadhora matatu pazuva.

Vatengesi vanoti mari iyi yakawanda zvikuru sezvo vachiwana mari isingadarike.

Mumwe wevatengesi,Amai Emily Jonasi,vati kushomeka kwemari munyika kuri kuderedzawo bhizimusi ravo. Amai Jonasi vanoti nekuda kwekuti havana michina yekuti vanhu vatenge nemacards emumabhanga, havana mari yakawanda yavari kuwana sezvo vanhu vari kushaya mari yemusvo.

Izvi zvatsigirwa naAmai Rabecca Chivi avo vati vanga vachitotatarika kubhadhara mutero usati wakwidzwa. Amai Chivi vatiwo kuti vatengese zvinhu zvavo ne ecocash vari kubatirwa mutero kuzobudisa mari iyiizvo zvinovaremerawo.

Nekuda kwekunetsa kuri kuita mari, vamwe vane mabhizimusi e ecocash vave kubhadharisa mutero kuti munhu awane musvo.

Mumwe mutengesi, VaJohn Phiri, vati chinovarwadza kubvisa mari kukanzuru yavasingaoni kuti inoshandei. VaPhiri vati vari kungobvisa mari asinzvimbo dzavanoshandira dzisingagadziriswe.

Vanotungamira sangano reVendors Intiative for Social and Economic Transformation, VaSamuel Wadzai, vati kunhengo dzavo mari yemadhora matatu pazuva iyi yakawandisa.

VaWadzai vati sangano ravo riri mubishi kutaura nemagweta kuti vangaendese kanzuru kumatare here. VaWadzai vatiwo kanzuru inofanirwa kuita hurukuro nevatengesi sezvo pakakwidzwa mari idzi kanzuru isina kumbotaura nevatengesi.

Asi meya weguta reHarare, VaBernard Manyenyeni, vati mari yakawedzerwa nekuti guta rofanirwa kuita mari kuti risimukire.

VaManyenyeni vati nekuda kwekuti vatengesi vemumigwagwa ava vari kutengesera panzvimbo dzaisabvumidzwa munguva yapera, panga pasati paiswa zvivakwa vakati izvi zvichachinja nekuwana kwekanzuru mari.

Nyanzvi munyaya dzehupfumi dzinoti kuoma kwehupfumi pamwe nekushaikwa kwemabasa kuri kukonzera kuwanda kwevatengesi vemumigwagwa.

please wait

No media source currently available

0:00 0:06:12 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG