Accessibility links

Dare Ronzwa neChitatu Nyaya yeVadzidzi Vakadzingwa Mudzimba neMuvhuro paUZ


Vadzidzi vanodarika mazana mashanu vari kuita zvidzidzo zvehudhokotera paUniversity of Zimbabwe, avo vakadzingwa neMuvhuro mudzimba dzepachikoro apa, vaendesa mukuru wechikoro ichi, VaLevy Nyagura, kumatare edzimhosva, vachida kuti vabvumidzwe kugara mudzimba dzavakadzingwa idzi.

Dare repamusoro rati richanzwa nyaya iyi mangwana.

Magwaro asvitswa mudare neChipiri zvechimbi chimbi aitwa nesangano remagweta rinorwira kodzero dzevanhu, eZimbabwe Lawyers for Human Rights, akamirira mumwe mudzidzi, Clifford Charera, anobva kwaRusape.

Magweta aya ari kuda kuti nyaya iyi inzwikwe zvechimbi chimbi sezvo vadzidzi ava vasina pekugara.

Vadzidzi ava vari kugara munzvimbo dzakasiyana-siyana, kusanganisira muchechi, vachibatsirwa nevane tsiye nyoro.

Vadzidzi ava vati zvakaitwa nevakuru vepaUZ zvinobudisa pachena kuti havana hany’a nehupenyu hwevadzidzi sezvo vakapiwa nguva shoma shoma yekuti vabude mudzimba dzavo kusanganisira vadzidzi vanogara kunze kweHarare avo vasina kwekuenda.

Vamwe vevadzidzi ava vari kunyora bvunzo mangwana.

Mumwe wevadzidzi asina kuda kudomwa nezita audza Studio7 kuti vairatidzira zvine runyararo asi vakashamiswa netsamba yekudzingwa kwavo iyo inoti vakaratidzira zvine mhirizhonga.

Mumwe mudzidzi ari kurara pane imwe chechi nevamwe vake vanodarika makumi mashanuaudza Studio 7 kuti vave kutobetserwa nevanetsiye nyoro.

Mudzidzi uyu ashorawo zvikuru kudzingwa kwavo panguva dzemanheru. Mudzidzi uyu ati sevadzidzi vane kodzero yekuratidzira kana vane zvinyunyuto.

Munyori muZimbabwe Students Representative Council, SRC, VaTafadzwa Ponello, vati vadzidzi vanga vakabhadhara mari dzekugara pachikoro vakatiwo kunyange vaedza kumbotaura nevakuru veUZ, hapana chabuda.

Vaimbovemutevedzeri wemutungamiriri weSRC, VaZivai Mhetu, vakurudzira hurumende kuti ibatsire vadzidzi ava kuburikidza nekuvabhadharira mari iri kudiwa iyi. VaMhetu vati vadzidzi vazhinji vari kukundikana kuti vabhadhare mari dzechikoro.

Studio7 haina kukwanisa kutaura negurukota rezvedzidzo yepamusoro, VaJonathan Moyo, kuti tinzwe pamire bazi ravo panyaya iyi.

Asi sachigaro wekomiti yeparamende inoona nezvedzidzo yepamusoro, Doctor Peter Mataruse, vaudza Studio 7 kuti vashamiswa zvikuru nemaitiro evakuru vekuUniversity of Zimbabwe.

VaMataruse vati vabereki vazhinji vari kutambura uye hazvina musoro kuti panguva iyo kuwana mari dzechikoro kuri kunetsa vabereki vakawanda, dzokwidziwa.

VaMataruse vavimbisa kuti separamende vachange vatora matanho svondo rino risati rapera.

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG