Accessibility links

Breaking News

Ambassador Thomas Vanoshinyira Musasa Project


ambassador-harry-thomas.
ambassador-harry-thomas.

Mumiriri weAmerica muZimbabwe, Ambassador Harry K. Thomas Junior, vanoti veruzhinji vanofanirwa kurwisa kushungurudzwa kwevanhukadzi mudzimba kuitira kuti dambudziko iri ripere zvachose.

Vachitaura pavashanyira Musasa Project, iyo inoshanda nevanhukadzi vanenge vachishungurudzwa mudzimba, Ambassador Thomas vati dambudziko rekushungurudzwa kwemadzimai rinowanikwa munyika dzose asi vakati chimwe chechinangwa chemuzinda wavo, kupedza dambudzo iri.

VaThomas vatiwo muzinda wavo wakabatsira Musasa Project nemari inopfuura madhoramazana maviri ezviuru mugore ra2016.

VaThomas vatiwo shuviro yavo ndeyekuti hurumende yeAmerica iri kutungamirwa naVaDonald Trump, iyo yakati ichazenge ichikamura mari yainobatsira nayo dzimwe nyika, itarisise mashandisirwo emari dzakanangana nebudiriro.

Mumwe wevakashungurudzwaakapotera kuMusasa, Muzvare Hazvinei Chanachimwe, vanoti kuburikidza nemari iyi vakadzidziswawo kusona. Vatiwo vave kutungamira chirongwa chekusona, izvo zvinobatsira madzimai kuti akwanise kuchengeta mhuri dzavo kunyange vasina varume.

Mumwe wevari kubatsirikanawo nemari iyi, Muzvare Angeline Chinyani, vati zvakanakira mabasa emaoko avari kudzidziswa aya ndezvekuti munhu haamanikidzwe kuenda pamudyandigere, sezvo achikwanisa kuramba achizvishandira.

Vanotungamirira Musasa Project, Amai Natty Musanhu, vatenda zvikuru rubatsiro rwavakawana rwemari vakati pamusoro pekubatsira madzimai kutanga mabhizimusi, mari iyi yakabatsirawo kuvadzidzisa kuchengetedza mari pamwe nekuwanisa vanoshungurudzwa ava nzvimbo dzakasununguka dzekugara.

Mari iyi inonzi yakabatsirawo kuti Musasa Project ikwanise kudzidzisa ruzhinji kusanganisira vanhurume kukosha kwekugara zvisina mhirizhonga huye kuti vanhurume varwisewo kupedza kushungurudzwa kwemadzimai mudzimba.

Mwedzi waKurume mwedzi wemadzimai pasi rose, uye zuva remadzimai rinopembererwa musi wa 8 Kurume.

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG