Accessibility links

Breaking News

Vakawanda Vobatwa neTyphoid kuMashonaland West


A doctor examins a child suffering from typhoid at a local infectious disease hospital in Harare, Tuesday, Nov.15, 2011. Health authorities say 207 cases of typhoid, spread by contaminated water and food, are being treated in Zimbabwe's capital after a pr
A doctor examins a child suffering from typhoid at a local infectious disease hospital in Harare, Tuesday, Nov.15, 2011. Health authorities say 207 cases of typhoid, spread by contaminated water and food, are being treated in Zimbabwe's capital after a pr

Vanhu vanosvika zana nevanomwe vekuChidamoyo kuHurungwe mudunhu reMashonaland West vari kufungidzirwa kuti vane chirwere cheTyphoid.

Mukuru webazi rezvehutano mudunhu reMashonaland West, Dr Wensilus Nyamayaro, vabvuma kuti chirwere cheTyphoid chave mudunhu reChidamoyo.

VaNyamayaro vanoti vanhu vakawanda vari kufungidzirwa kuti vane chirwere cheTyphoid vanogara mumisha miviri yeManyembere neMunhuwa, iyo iri kunwa mvura yemurwizi zvichitevera kusashanda kwezvibhorani munzvimbo idzi.

VaNyamayaro vanoti pari zvino ongororo yavaita kune vamwe vevanhu ava zvinoratidza kuti vaviri vakaonekwa kuti vane chirwere cheTyphoid.

Nekuda kwehuwandu hwevanhu vari kufungidzirwa kuti vakabata chirwere ichi, VaNyamayaro vanoti vaendesa nhengo dzavo dzedunhu diki reHurungwe nedunhu guru reChinhoyi kuti vanodzivirira kupararira kwechirwere cheTyphoid.

Zvinonzi kune vanhu vashoma vari kufungidzirwa kuti vane chirwere cheTyphoid mumisha inoti Svenhiwa, Kaonza, Chatyavazungu neTeedza kuHurungwe.

Bazi rezvehutano rinoti vanhu vanodarika zviuru zviviri nemazana mashanu vari kufungidzirwa kuti vangangove nechirwere cheTyphoid munyika asi vanoti chirwere ichi chakauraya vanhu vanosvika vapfumbamwe gore rino munyika.

please wait

No media source currently available

0:00 0:01:51 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

XS
SM
MD
LG