Accessibility links

VaTsvangirai Vanoti Hapana Kudududza paMushandira Pamwe weMapato

  • Arthur Chigoriwa

MDC president Morgan Tsvangirai

Mutungamiri weMDC, VaMorgan Tsvangirai, vanoti hapana kudududza panyaya yekubatana kwemapato anopikisa mukushanda pamwe chete kubvisa hurumende yaVaMugabe gore rinouya.

Vachitaura neSvondo muChinhoyi pamusangano weNational Electoral Reform Agenda, Nera, VaTsvangirai vakati mubatanidzwa wemapato anopikisa ndiwo chete unomisa hutongi hwaVaMugabe munyika.

VaTsvangirai vakashoropodza mumwe wevatevedzeri vemutungamiri wenyika wavasina kudoma nezita wavakati ari kukurudzira mhirizhonga munyika munyaya dzezvematongerwo enyika.

VaTsvangirai vakati nhengo dzavo dzichaisa misasa yekudzivirira vanhu kuti vasarohwe nenhengo dzeZanu PF.

Panyaya dzesarudzo, VaTsvangirai vakati sangano rinoona nezvesarudzo reZimbabwe Election Commission, Zec, rinotungamirwa naAmai Rita Makarau, rinofanirwa kuita sarudzo dzvakajeka sezvo vari ivo vanenge vachiona sarudzo kuti dziri kufamba zvakanaka here.

VaTsvangirai vakati Zec kusafambiswa zvakanaka kwesarudzo kunokonzera mhirizhonga munyika.

Izvi zvakatsigirwa nemukuru weboka rinokurudziro shanduko munyika, reTajamuka, VaPromise Mkwananzi, avo vakataura pamusangano uyu vachiti vachajamuka zvemhando yepamusoro kana sarudzo dzegore rinouya dzikabirirwa sezvadzinogaroitwa.

Asi vanoongorora nezvematongerwo enyika vakazvimirira uye vari mudzidzisi paChinhoyi University of Technology, VaDavison Mbada, vanoti vemapato ezvematongerwo enyika vanofanirwa kusataura zvinhu zvinokurudzira mhirizhonga sezvo vanhu vakawanda vachizorega kuvhota nekutya mhirizhonga.

Vachitaura pamusangano mumwechete vakafanobata chigaro chemutevedzeri wemutungamiri weNational People’s Party, VaSipepa Nkomo, vakatiwo vanhu vanofanirwa kubvisa mweya wekutya kuti vakwanise kubvisa hurumende yavaMugabe pasarudzo gore rinouya.

Musangano wanezuro wakazoitwa mushure mekunge mapurisa aramba kupa mvumo kwemasvondo maviri vachiti vainge vasina kuziviswa nenguva uye vaida tsamba yemvumo kumuridzi wenzvimbo.

Asi pasi pemitemo yenyika, mapurisa haana simba rekurambidza kuitwa kwemisangano.

Asi mapurisa anogara akatyora mutemo uyu pose paanorambidza kuitwa kwemisangano zvikuru nemapato anopikisa.

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG